Mashoko Emuzasi
a Zvisinei, Jehovha anorangarira zvimwe zvinhu pakuyera kanganwiro. Somuenzaniso, kana mutadzi asingazivi mipimo yaMwari, kusaziva kwakadaro kungaderedza mutoro wemhaka. Apo Jesu akakumbira Baba vake kukanganwira vaurayi vake, Jesu sezviri pachena akanga achitaura nezvavarwi veRoma avo vakamuuraya. Ivo ‘vaisaziva chavakanga vachiita,’ vasingazivi nezvouyo akanga ari chaizvoizvo. Zvisinei, vatungamiriri vorudzidziso vaitsigira kuuraya ikoko vaiva nemhaka zvikuru kwazvo—uye nokuda kwavakawanda vavo, hakuna kanganwiro yaibvira.—Johane 11:45-53; enzanisa naMabasa 17:30.