Mashoko Emuzasi
e Vazhinji vanoona munhauro yaRuka kuchinja pashure paRuka 21:24. Dr. Leon Morris anoti: “Jesu anopfuurira kutaura nezvenguva dzaVamarudzi. . . . Mumufungo wenyanzvi zhinjisa ngwariro zvino inoenda kukuuya kwoMwanakomana womunhu.” Purofesa R. Ginns anonyora, kuti: “Kuuya kwoMwanakomana woMunhu—(Mt 24:29-31; Mk 13:24-27). Kududzwa kwe‘nguva dzaVamarudzi’ kunogovera sumo kuno uyu musoro; Murangariro [waRuka] zvino unoendeswa mberi kwokuparadzwa kweJerusarema ndokupinda munguva yemberi.”