Mashoko Emuzasi
a “‘Ufeve’ mumufungo wakafara, uye sezvakashandiswa pana Mateo 5:32 uye 19:9, sezviri pachena hunonongedzera kutambanuko yakafara yevatano isati iri yapamutemo kana kuti yakaipa kunze kweroorano. Porneia [shoko rechiGiriki rinoshandiswa mumagwaro iwayo] anobatanidza kushandiswa kwakakomba kwoutere kwemu[i]tezo wo[yo]kubereka nawo[yo] yeanenge munhu mumwe (mungave munzira yomuzvarirwo kana kuti yakashata); uyewo, panofanira kuva paiva nomumwe kuutere hwacho—munhu womutezo wokubereka nawo upi kana upi, kana kuti chikara.” (Nharireyomurindi, September 1, 1983, peji 31) Upombwe: “Vatano yokuzvidira pakati pomunhu akaroora nomumwe asiri murume kana kuti mudzimai wapamutemo.”—The American Heritage Dictionary of the English Language.