Mashoko Emuzasi
b Zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “vakuru,” hy·pe·ro·kheʹ, rine batano nechiito hy·pe·reʹkho. Shoko rokuti “zvikuru” muna “zviremera zvikuru” rinotorwa muchiito chimwe chetechi chechiGiriki, icho chinowedzera kuufakazi hwokuti zviremera zvikuru ndizvo zviremera zvenyika. Kushandurwa kwaVaRoma 13:1 muThe New English Bible, kwokuti, “Munhu ari wose anofanira kuzviisa pasi pezviremera zvikuru,” hakuna kururama. Vanhu “vakuru” havasati vari vakurusa, kunyange zvazvo vangava vakuru kuvamwe vanhu.