Mashoko Emuzasi
a Zvidimbu zvakapunzika zvezviumbwa, kana kuti ostraca, zvaiwanzoshandiswa munguva dzeBhaibheri sepokunyorera pasingadhuri. The International Standard Bible Encyclopedia (1986) inoti: “Ostraca yaigona kushandiswa kunyange namapoka marombo zvikurusa, aisagona kutenga chinhu chipi nechipi chokunyorera pachiri.” Kuti ostraca yaishandiswa navaIsraeri vakare nokuda kwokunyora magwaro eBhaibheri kusvikira patambanuko yakadini hakuzivikanwi. Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, ostraca dzomuzana ramakore rechinomwe N.V. dzine magwaro eBhaibheri dzakawanwa muEgipita, kuchikarakadza mutoo mumwe kupfurikidza nawo vanhuwo zvavo vaiwana nawo zvikamu zveBhaibheri.