Mashoko Emuzasi
a Apa Jehovha ari kuratidza kusiyana kwemabatiro aimboita vanhu imba yake tsvene nezvaizoitika. Akati: “Vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinhu zvinosemesa zvavakaita, pavakaisa chidimbati chavo pedyo nechangu, uye gwatidziro rangu pedyo neravo, pakati pangu navo pachingova nechidziro chete.” (Ezek. 43:8) MuJerusarema, maingova nemadziro aiganhura temberi yaJehovha nedzimba dzevanhu. Vanhu pavaisiya mitemo yaJehovha yakarurama, vachinamata zvidhori uye vachiita zvinhu zvisina kuchena, vaisvibisa imba yaJehovha. Jehovha haana kusiya zvinhu zvakadaro zvichiramba zvichiitika!