Mashoko Emuzasi
b Kushandiswa kwakaitwa shoko rekuti “godo” kunoratidza kuti nyaya yekusiya Jehovha tichinamata mumwe mwari haisi nyaya diki. Tinogona kufunga nezvekushatirwa kunoita murume pamusana pegodo kana mudzimai wake akaita upombwe. (Zvir. 6:34) Sezvinoitwa nemurume akadaro, Jehovha akatsamwa vanhu vaakaita sungano navo pavakaratidza kuti havana kutendeka vachinamata zvidhori. Rimwe bhuku rinoti: “Godo raMwari . . . rinobva pakuva kwake mutsvene. Nekuti iye chete ndiye Mutsvene . . . , haadi kuti kuve nemumwe anokwikwidzana naye.”—Eks. 34:14.