Mashoko Emuzasi
a Abheri anofanira kunge akaberekwa nguva pfupi Adhamu naEvha vabudiswa muEdheni. (Gen. 4:1, 2) Genesisi 4:25 inoti Mwari akaita kuti Seti ‘atsive Abheri.’ Adhamu aiva nemakore 130 paakabereka Seti, pashure pekunge Abheri apondwa. (Gen. 5:3) Saka Abheri anofanira kunge aiva nemakore 100, paakaurayiwa naKaini.