Mashoko Emuzasi
b Rameki akapa mwanakomana wake zita rokuti Noa—zvingangoreva kuti “Zororo” kana kuti “Nyaradzo”—uye akanga aprofita kuti Noa aizozadzisa zvinorehwa nezita rake kuburikidza nokutungamirira vanhu kuti vazorore pakushanda zvakaoma panyika yakatukwa. (Gen. 5:28, 29) Rameki akafa uprofita hwake husati hwazadzika. Amai vaNoa, vakoma nevanun’una vake, uye hanzvadzi dzake vangangodaro vakafa pamaMafashamo.