Mashoko Emuzasi
a Cherechedza musiyano uripo pakati pemashoko aya nokurondedzerwa kunoitwa rwendo rwaakamboita: ‘Mariya akasimuka akaenda’ kunoshanyira Erizabheti. (Ruka 1:39) Panguva iyoyo, semukadzi akanga avimbiswa kuroorwa asi asati achata, Mariya angave akaenda asina kutanga abvunza Josefa. Pashure pekunge varoorana, rwendo rwavakafamba pamwe chete rwunonzi rwakaitwa naJosefa, kwete naMariya.