Mashoko Emuzasi
c Nhoroondo yacho inopa mienzaniso miviri yokusaremekedza. Kutanga, Mutemo waitaura zvakajeka kuti inhindi dzipi dzechibayiro dzaifanira kupiwa vapristi kuti vadye. (Dheut. 18:3) Asi patebhenekeri, vapristi vakaipa vakanga vava kuita zvakatosiyana zvikuru. Vaiita kuti vashandi vavo vabaye mugate raibikirwa nyama neziforogo, votora chero nhindi dzakanaka dzavainge vabaya! Uyezve, vanhu pavaiuya nezvibayiro zvavo kuti zvipiswe paatari, vapristi vakaipa vaiita kuti mushandi atyisidzire munhu wacho aipa chinopiwa, vachikumbira nechisimba nyama mbishi kunyange mafuta echibayiro asati apiwa kuna Jehovha.—Revh. 3:3-5; 1 Sam. 2:13-17.