Mashoko Emuzasi
a Sezvakaonekwa naNaomi, mutsa waJehovha haungoratidzwi vapenyu chete; kunyange vakafa vanogona kubatsirwa nawo. Naomi akanga afirwa nemurume nevanakomana vaviri. Rute akanga afirwa nemurume. Zvechokwadi varume vatatu ava vaidiwa zvikuru naNaomi naRute. Kutaura zvazviri, chero mutsa wakaratidzwa kuna Naomi uye kuna Rute waiva mutsa waiitirwa varume vaizoda kuti madzimai iwayo ariritirwe.