Mashoko Emuzasi
d Kuparara kweBhabhironi unongova muenzaniso mumwe chete wouprofita hweBhaibheri hwakazadzika. Mimwe mienzaniso inosanganisira kuparara kweTire uye Ninivhi. (Ezekieri 26:1-5; Zefaniya 2:13-15) Uyewo, uprofita hwaDhanieri hwakafanotaura umambo hwenyika hunotevedzana hwaizotonga pashure peBhabhironi. Uhwu hwaisanganisira Medhiya nePezhiya uye Girisi. (Dhanieri 8:5-7, 20-22) Ona Mashoko Okuwedzera panyaya yakanzi “Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa, nokuda kwokukurukurwa kwouprofita hwakawanda hwaMesiya hwakazadzika pana Jesu Kristu.