Mashoko Emuzasi
a Bhaibheri rinotaura kakawanda kuti kumutswa kwevanhu kwakabatana nekuyeuka kwaJehovha. Jobho, murume akatendeka akati kuna Jehovha: “Haiwa . . . dai manga manditemera nguva, mozondiyeuka!” (Jobho 14:13) Jesu akataura nezvekumutswa kwevaya “vese vari mumakuva evanoyeukwa.” Izvi zvakanyatsokodzera nekuti Jehovha anonyatsoyeuka vese vaari kuda kumutsa.—Johani 5:28, 29.