Mashoko Emuzasi
c VaFarisi vaiti vanhu vakaderera, vasingazivi Mutemo, vakanga “vakatukwa.” (Johani 7:49) Vaiti zvakanga zvisingabvumirwi kuti munhu adzidzise, aite zvebhizinesi, adye, kana kunyengetera nevanhu vakadaro. Kana munhu akabvumira kuti mwana wake aroorwe nemunhu akadaro, zvainzi hazvina kusiyana nekumupa kuchikara chemusango. Vaiti tariro yekumutswa kwevakafa haishandi pavanhu vakadaro.