Mashoko Emuzasi
b Pashure pokukundwa kwaSeniheribhi, marudzi akapoteredza akaunza zvipo zvendarama, nesirivha, uye zvimwe zvinhu zvinokosha kuna Hezekia. Pana 2 Makoronike 32:22, 23, 27, tinorava kuti “Hezekia wakanga ane pfuma zhinji nokukudzwa” uye kuti “kubva panguva iyo wakakudzwa pamberi pendudzi dzose.” Zvipo izvi zvingadaro zvakamubvumira kuzadzazve imba yake yepfuma, yaakanga atsvaira paakanga achibhandara mutero kuvaAsiria.