Mashoko Emuzasi
c Padzimwe nguva mapoka omunzvimbomo ainongedzerwa kwaari se“chechi,” mutsinhirano nomutauro unoshandiswa muKing James Version. Iwo aidanwawo kuti kereke, maererano neshoko rinoshandiswa murugwaro rweBhaibheri rwechiGiriki. Kutaura kwokuti “mapoka” kwaishandiswa nenzira yakafanana, nokuti akanga ari chaizvoizvo mapoka avadzidzi vaisangana nguva dzose kuti vafunde. Gare gare, apo akadanwa kuti makambani, ikoku kwakanga kuri kuratidzirwa kwokuziva kwavo kuti vakanga vari muhondo yomudzimu. (Ona Pisarema 68:11, KJ, mumucheto.) Pashure pokubudiswa kweNew World Translation of the Christian Greek Scriptures muna 1950, shoko reBhaibheri romutauro wazvino uno “ungano” rakashandiswa nguva dzose munyika zhinjisa.