Mashoko Emuzasi
a Chirwere chechibhokisi muenzaniso wakanaka wechirwere chaigona kukundwa munyika yose nokushandisa mishonga, nokuti kusiyana nezvirwere zvinoparadzirwa notupuka tunoparadzira zvirwere twakadai semakonzo nezvipembenene, utachiona hwechibhokisi hunofanira kugara mumunhu kuti hurarame.
[Mufananidzo]
Mukomana wokuEthiopia anonwiswa mushonga weporiyo
[Kwazvakatorwa]
© WHO/P. Virot