10 Amasa akanga asina kuchenjerera bakatwa raiva muruoko rwaJoabhi, uye Joabhi akamubaya naro mudumbu,+ ura hwake hukawira pasi. Haana kumbomubaya kaviri; akangomubaya kamwe chete kuti amuuraye. Joabhi naAbhishai mwana waamai vake, vakabva vatevera Shebha mwanakomana waBhikri.