RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 164
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekuchengeta Vabereki Vakwegura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvekuchengeta Vabereki Vakwegura?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Bhaibheri rinoti vamwe vakachengeta sei vabereki vavo vainge vakwegura?
  • Mazano api anoshanda ari muBhaibheri anogona kubatsira vaya vanenge vachivachengeta?
  • Bhaibheri rinoti vabereki vakwegura vanofanira kuchengeterwa kumba here?
  • Kuchengeta Vakwegura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kutarisira Vakwegura—Mutoro wechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mhuri yechiKristu Inobetsera Vakweguru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 164
Mwanasikana ane rudo anounzira amai vake vakwegura zvekudya

Bhaibheri Rinotii Nezvekuchengeta Vabereki Vakwegura?

Mhinduro yeBhaibheri

Ibasa rinokosha revana vakura kuona kuti vabereki vavo vakwegura vari kuchengetwa. Bhaibheri rinoti vana vakura vanofanira ‘kudzidza kurarama zvinoenderana nechinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nekuti izvi zvinofadza Mwari.’ (1 Timoti 5:4, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Vana vakura pavanochengeta vabereki vavo, vanenge vachitoteerera murayiro weBhaibheri wekukudza vabereki vavo.—VaEfeso 6:2, 3.

Bhaibheri harina mirayiridzo yakanangana nekuti vabereki vakwegura vanochengetwa sei. Asi rine mienzaniso yevarume nevakadzi vaiva nekutenda vakaita kudaro. Rinopawo mazano anoshanda anogona kubatsira vaya vanenge vachivachengeta.

  • Bhaibheri rinoti vamwe vakachengeta sei vabereki vavo vainge vakwegura?

  • Mazano api anoshanda ari muBhaibheri anogona kubatsira vaya vanenge vachivachengeta?

  • Bhaibheri rinoti vabereki vakwegura vanofanira kuchengeterwa kumba here?

Bhaibheri rinoti vamwe vakachengeta sei vabereki vavo vainge vakwegura?

Vakazviita nenzira dzakasiyana-siyana, maererano nekuti zvinhu zvanga zvakamira sei.

  • Josefa aigara kure nababa vake Jakobho avo vakanga vakwegura. Paakanga ava kukwanisa kuvachengeta, akaronga kuti vatamire pedyo naye. Akabva avapa pekugara, zvekudya uye akavadzivirira.—Genesisi 45:9-11; 47:11, 12.

  • Rute akatamira kunyika yavamwene vake, uye akashanda zvakaoma kuti avachengete.—Rute 1:16; 2:2, 17, 18, 23.

  • Jesu, ava pedyo nekufa, akasarudza munhu aizochengeta amai vake, Mariya; zviri pachena kuti vakanga vava chirikadzi.—Johani 19:26, 27.a

Mazano api anoshanda ari muBhaibheri anogona kubatsira vaya vanenge vachivachengeta?

Dzimwe nguva kuchengeta vabereki vakwegura ibasa rinopedza simba kana kunetesa pfungwa. Bhaibheri rine mazano anogona kubatsira vanovachengeta kuti vangakunda sei.

  • Kudza vabereki vako.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kudza baba vako naamai vako.”—Eksodho 20:12.

    Izvi zvinoitwa sei?: Kudza vabereki vako nekuvabvumira kuita zvinhu vega kana vachiri kukwanisa. Pavanenge vachikwanisa, rega vasarudze vega zvavanoda panyaya yekuchengetwa. Panguva imwe chete, vakudze nekuvabatsira nepaunogona napo.

  • Iva munhu anonzwisisa uye anoregerera.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake, uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.”—Zvirevo 19:11.

    Izvi zvinoitwa sei?: Kana mubereki akwegura akataura mashoko asina mutsa kana kuratidza kusatenda kuchengetwa kwaari kuitwa, zvibvunze kuti, ‘Ko dai ndiri ini ndiri kutadza kuita zvandinofanira kuita kana kunetseka mupfungwa sezvavari kuita ndaizonzwa sei?’ Kana ukaedza kunzwisisa uye kuregerera, unogona kudzivisa kuti nyaya diki ikure.

  • Bvunza vamwe.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe, asi kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.”—Zvirevo 15:22.

    Izvi zvinoitwa sei?: Tsvakurudza kuti zvii zvamungaita nezvirwere zvevabereki vako. Bvunza kana munzvimbo yamunogara muine zvinhu zvinopihwa kuti zvibatsire vakwegura. Taura nevamwe vakambochengeta vabereki vakwegura. Kana uine vakoma kana vanin’ina, munogona kugara pasi semhuri moronga kuti ndezvipi zvinodiwa nevabereki venyu, muchazvifambisa sei, uye kuti mungagovana sei mutoro wacho.

    Mudzimai akwegura anoonana nemhuri yake kuti vataure kuti ochengetwa sei

    Garai pasi semhuri mokurukura kuti mungachengeta sei vabereki venyu vakwegura

  • Iva nemwero.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.”—Zvirevo 11:2.

    Izvi zvinoitwa sei?: Ziva zvaunokwanisa nezvausingakwanisi. Semuenzaniso, munhu wese ane nguva nesimba shoma. Izvi zvinoisa muganhu pane zvaunogona kuitira vabereki vako. Ukaona wawandirwa nezvaunofanira kuita pakuchengeta vabereki vakwegura, unogona kukumbira kubatsirwa nevemumhuri kana kuti nenyanzvi dzezveutano.

  • Zvichengete iwe pachako.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Hapana murume akambovenga muviri wake, asi anoupa zvekudya uye anouchengeta.”—VaEfeso 5:29.

    Izvi zvinoitwa sei?: Kunyange zvazvo kuchengeta vabereki vako riri basa rako, unofanirawo kuzvichengeta iwe pachako nemhuri yako kana uri muwanano. Unofanira kudya zvinhu zvine utano. Unofanira kuzorora nekurara zvakakwana. (Muparidzi 4:6) Kana zvichiita unogona kuchinjana nevamwe pakuchengeta vabereki vakwegura. Kuita izvi kuchaita kuti urambe uine simba rekuchengeta vabereki vako.

Bhaibheri rinoti vabereki vakwegura vanofanira kuchengeterwa kumba here?

MuBhaibheri hamuna mashoko anotaura kuti vana vakura vanofanira kuchengetera vabereki vavo vakwegura kumba here kana kuti kwete. Dzimwe mhuri dzinosarudza kuchengetera vabereki vakwegura kumba chero bedzi zvichiri kuita. Asi kana zvasvika pane rimwe danho, vanogona kusarudza kuendesa vabereki vavo kunzvimbo inochengeterwa vakwegura. Mhuri yacho inogona kuungana pamwe chete kuti isarudze kuti zvakanakira vese ndezvipi.—VaGaratiya 6:4, 5.

a Panyaya iyi, rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Kunenge kuti Josefa [murume waMariya] akanga atofa kare, uye kuti mwanakomana wake Jesu ndiye akanga achimuchengeta, asi iye zvino zvaakanga ava kufa, Mariya aizoita sei? . . . Apa Kristu akadzidzisa vana kuti vave nechokwadi kuti vabereki vavo vakwegura vari kuchengetwa zvakanaka.”—The NIV Matthew Henry Commentary in One Volume, mapeji 428-429.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe