RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwfq nyaya 56
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Sainzi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Sainzi?
  • Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvisingakwaniswi nesainzi
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
    Mukai!—1993
  • Kuwiriranisa Sayenzi Nechitendero
    Mukai!—2002
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
ijwfq nyaya 56
Mukadzi ari kutarisa mumicroscope

Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Sainzi?

Tinoremekedza kufambira mberi kuti kuita nyaya dzesainzi uye tinobvuma zvinenge zvawanikwa mutsvakurudzo dzesainzi kana zviine uchapupu.

“Sainzi kudzidza zvinhu zvakatipoteredza uye maitiro azvo towana ruzivo kubva mazviri.” (Collins Cobuild Advanced Learner’s English Dictionary) Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku resainzi, rinokurudzira vanhu kuti vadzidze nezvezvakavapoteredza uye vabatsirwe nezvinenge zvawanikwa nevanhu vanenge vatsvakurudza. Funga nezvemienzaniso inotevera:

  • Nyeredzi nemapuraneti: “Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo. Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru, zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.”—Isaya 40:26.

  • Mhuka nemiti: Soromoni “aitaura nezvemiti, kubvira kumusidhari uri muRebhanoni kusvikira kumuhisopi unomera parusvingo; uye aitaura nezvemhuka, nezvezvisikwa zvinobhururuka, nezvezvinhu zvinofamba uye nezvehove.”—1 Madzimambo 4:33.

  • Zvekurapa: “Vakagwinya havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.”—Ruka 5:31.

  • Mamiriro ekunze: ‘Wakambopinda mumatura echando here, kana kuona matura echimvuramabwe? Iri kupi nzira inopararira mhepo yekumabvazuva panyika?’​—Jobho 38:22-24.

Mabhuku edu anokurudzira vanhu kuremekedza tsvakurudzo dzesainzi nekuti anobudisa nyaya dzinotaura nezvezvinhu zvakatipoteredza uye nezvekufambira mberi kuri kuita sainzi. Vabereki vari musangano reZvapupu zvaJehovha vanoendesa vana vavo kuchikoro kuti vadzidze kuitira kuti vanzwisise zvinhu zvakasiyana-siyana zviri panyika. Kunotova neZvapupu zvaJehovha zvakawanda zvinoshanda mumapazi akasiyana-siyana esainzi akadai sebiochemistry, masvomhu, nephysics.

Zvisingakwaniswi nesainzi

Hatibvumi kuti sainzi inopindura mibvunzo yese yevanhu.a Semuenzaniso, kune mascientists anoongorora kuti nyika yakagadzirwa nei, uye vamwe vachiongorora kuti muviri wemunhu unoshanda sei. Asi mubvunzo ndewekuti nei nyika yakanyatsogadzirwa zvekuti zvinhu zvinokwanisa kurarama zvakanaka, uye nei nhengo dzemuviri dzichinyatsoshanda pamwe chete zvakanaka?

Takasvika pakuona kuti Bhaibheri rega ndiro rine mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi. (Pisarema 139:13-16; Isaya 45:18) Saka tinotenda kuti dzidzo yakanaka inosanganisirawo zvese, kudzidza sainzi uye Bhaibheri.

Dzimwe nguva, sainzi inomboita seinopesana neBhaibheri. Pamwe pacho zvinokonzerwawo nekuti vanhu vanenge vasinganzwisisi zvinenge zvichitaurwa neBhaibheri. Semuenzaniso, Bhaibheri haridzidzisi kuti nyika yakasikwa mumazuva 6 emaawa 24.​—Genesisi 1:1; 2:4.

Dzimwe tsvakurudzo dzesainzi dzinoonekwa sekuti ndedzechokwadi, dzinenge dzisina uchapupu hwakakwana uye dzinorambwa nemamwe mascientist anoremekedzwa. Semuenzaniso, sezvo nyika yakatipoteredza iine zvinhu zvinoshamisa, tinobvumirana nemascientist nevamwewo vakawanda vakaona kuti zvinhu zvipenyu hazvina kuvapo neevolution.

a Erwin Schrödinger, inyanzvi yephysics uye akambohwina Nobel Prize. Akanyora kuti sainzi “haina zvainotaura nezvezvinhu chaizvo zvatinoda kunyatsoziva uye zvinokosha kwatiri.” Albert Einstein akambotiwo: “Takadzidza nenzira yakaoma kuti mafungiro atinoita haagadzirise matambudziko eupenyu hwedu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe