RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 64
  • Ndinofanira Kuwedzera Shamwari Dzangu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kuwedzera Shamwari Dzangu Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikwata zveshamwari
  • Zvaungaita
  • Shamwari Dzakanaka—Shamwari Dzakaipa
    Mukai!—2004
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ndingava Sei Neshamwari Dzakanaka?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinofanira Kutsvaka Shamwari Dziri Nani Here?
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 64
Vasikana vari kuzvitora pikicha

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndinofanira Kuwedzera Shamwari Dzangu Here?

“Ndinofarira kugara ndiine chikwata cheshamwari dzangu, uye kubuda muchikwata ichi kunondiomera.”​—Alan.

“Ndinogutsikana neshamwari shoma dzandiinadzo. Handifariri kutanga ushamwari nevanhu vandisingazivi.”​—Sara.

Unofunga sezvinoita Alan naSara here? Uri mune chimwe chikwata cheshamwari here zvekuti hautodi kutsvaga dzimwe shamwari?

Kana zvirizvo, nyaya ino ichakubatsira!

  • Zvikwata zveshamwari

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvikwata zveshamwari

Hapana chakaipa nekuva nechikwata chevanhu vaunoshamwaridzana navo. Kuva neshamwari dzepedyo saizvozvo kunoita kuti unzwe kuti pane vanhu vanokukoshesa uye vanokuda sezvauri.

“Zvinonakidza kudiwa nevamwe uye kuva muchikwata cheshamwari. Paunenge uri mudiki, unenge uchida kungokwana-kwana pane vamwe.”​—Karen, 19.

Waizviziva here? Jesu akasarudza vaapostora 12 pashamwari dzake dzakawanda, asi pavaapostora vake vese, Petro, Jakobho naJohani ndivo vaiva shamwari dzake dzepedyo.​—Mako 9:2; Ruka 8:51.

Asi kuva muchikwata cheshamwari zvekuti unenge usisadi kutombotaurawo nevamwe kune zvakwakaipira. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  • Unenge uchizvivharira mukana wekuva nedzimwe shamwari dzakanaka.

    “Kungova neshamwari dzinofarira zvinhu zvaunofarirawo kunoita kuti usaita zvimwe zvinhu zvitsva, uye usava neshamwari itsva.”​—Evan, 21.

  • Vanhu vanotanga kukuona semunhu anodada.

    “Kana uri muchikwata chevanhu vaunoti ndivo shamwari dzako chete, vamwe vanotanga kukuona sekuti haudi kutaura navo.”​—Sara, 17.

  • Unogona kutanga kufurufusha vamwe.

    “Unogona kunge usingaitiri vamwe utsinye, asi kana chikwata cheshamwari dzako chichiitira vamwe zvakaipa, unotoguma wava kuvatevedzera, uye unotanga kuona sekuti zvinotonakidza.”​—James, 17.

  • Unogona kupinda muna taisireva, kunyanya kana uchida chikwata chako zvakanyanyisa.

    “Kana muchikwata mukangova nemunhu mumwe chete anoita zvakaipa, anogona kufurira vanhu vese varimo kuti vatange kuitawo zvakaipa.”​—Martina, 17

Zvaungaita

  • Ongorora tsika dzako.

    Zvibvunze kuti: ‘Itsika dzipi dzandinotevedzera muupenyu hwangu? Shamwari dzangu dzinoita kuti zvindiomere here kutevedzera tsika idzodzo? Ndicharamba ndiri kudivi reshamwari dzangu, kunyange pandinoona kuti vari kurasika here?’

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaKorinde 15:33.

    “Kana vari muchikwata cheshamwari dzako vasingatevedzeri tsika dzaunokoshesa, unogona kuguma wava kuita zvinhu zvawaisazombofa wakaita kudai usina shamwari idzodzo.”​—Ellen, 14.

  • Ongorora zvaunokoshesa.

    Zvibvunze kuti: ‘Ndinonyanya kuda chikwata cheshamwari dzangu zvekuti ndinotoita zvinhu zvisina kunaka kuti ndivafadze here? Ndinoita sei kana shamwari yangu ikaita chinhu chakaipa?’

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura.”—Zvakazarurwa 3:19.

    “Kana imwe shamwari iri muchikwata chenyu ikaita zvakaipa, unogona kufunga kuti kana ukabudisa zvainenge yakanganisa unenge waita mutengesi.”​—Melanie, 22.

  • Wedzera shamwari dzako.

    Zvibvunze kuti: ‘Kutsvaga dzimwe shamwari pavanhu vandisina kujairana navo kunogona kundibatsira here?’

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Usaramba uchiva nehanya nezvinhu zvaunoda, asi iva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’​—VaFiripi 2:4.

    “Vana vasingafarirwi nevakawanda vanogona kunge vaine zviri kunetsa kumba kwavo. Asi paunosvika pakunyatsovaziva, unozoona kuti pane zvakawanda zvaungatoyemura pavari.”​—Brian, 19.

Zvaunofanira kuziva: Hapana hapo chakaipa nekuva nechikwata chedzaunoti shamwari dzako. Asi uchaona zvichibatsira kana ukatsvagawo dzimwe shamwari. Bhaibheri rinoti: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.”—Ruka 6:38.

Zvinotaurwa nevezera rako

Maryam

“Ndichiri kuchikoro ndaiva muchikwata chevamwe vasikana, asi ndakazoona kuti vasikana ava vaiitira vamwe utsinye, saka ndakabuda muchikwata chacho. Ndakatomboita nguva ndisina shamwari, asi ndakafara nezvandakasarudza nekuti zvaienderana netsika dzandinokoshesa.”​—Maryam.

Alex

“Ndichiri kuchikoro, ndaiedza kukwana-kwana mune chimwe chikwata nekuti ndaida kuzivikanwa nevakawanda. Asi ndakazoona kuti kuva neshamwari dzine musikanzwa kunoita kuti utange kuona vamwe nenzira yakaipa, uye kunoita kuti uite zvimwe zvinhu zvisingamboenderani nezvauri.”​—Alex.

Bethany

“Pandaiva kusekondari ndakamboedza chaizvo kuda kupinda mune chikwata cheshamwari dzaisambondida. Pandakaona kuti ndakanga ndiri kufira pasina, ndakadzidza kukoshesa shamwari dzandakanga ndichitova nadzo nechekare.”​—Bethany.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe