RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 119
  • Ndiani Kana Kuti Chii Chinonzi Shoko raMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Kana Kuti Chii Chinonzi Shoko raMwari?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Johani 1:1—“Pakutanga Shoko Rakanga Riripo”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Chii Chinotaura Magwaro Pamusoro po“Umwari hwaKristu”?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chokwadi Pamusoro paBaba, Mwanakomana, uye Mudzimu Mutsvene
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 119
Jesu akabata mupumburu uye ari kutaura

Ndiani Kana Kuti Chii Chinonzi Shoko raMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

Kana zvichinzi “shoko raMwari” kazhinji panenge pachitaurwa mashoko anobva kuna Mwari. (Ruka 11:28) Mamwe mavhesi anotaura kuti “Shoko raMwari” kana kuti “Shoko,” achireva zita remunhu.​—Zvakazarurwa 19:13; Johani 1:14.

Mashoko anobva kuna Mwari. Vaprofita vaiwanzoti mashoko avaitaura aiva shoko raMwari. Semuenzaniso, Jeremiya akasuma mashoko ake euprofita achiti, “shoko raJehovha rakauya kwandiri.” (Jeremiya 1:4, 11, 13; 2:1) Muprofita Samueri asati audza Sauro kuti Jehovha akanga amusarudza kuti ave mambo, akati: “Mira zvino kuti ndiite kuti unzwe shoko raMwari.”​—1 Samueri 9:27.

Zita remunhu. Bhaibheri rinotaura nezvezita rekuremekedza rekuti “Shoko” richireva Jesu Kristu sechisikwa chemudzimu kudenga uye semunhu paakauya panyika. Ona zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tidaro:

  • Shoko rakanga riripo zvimwe zvinhu zvese zvisati zvasikwa. “Pakutanga Shoko rakanga riripo . . . Pakutanga iyeyu akanga aina Mwari.” (Johani 1:1, 2) Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvose . . . Akatangira zvimwe zvinhu zvose.”​—VaKorose 1:13-15, 17.

  • Shoko rakauya panyika rikava munhu. “Shoko rakava nyama rikagara pakati pedu.” (Johani 1:14) Kristu Jesu “akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu.”​—VaFiripi 2:5-7.

  • Shoko racho rinonziwo Mwanakomana waMwari. Paakanga ataura mashoko ari pamusoro apa ekuti “Shoko rakava nyama,” muapostora Johani akaenderera mberi achiti: “Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwakaita sokuya kwomwanakomana akaberekwa ari mumwe oga akabva kuna baba.” (Johani 1:14) Johani akanyorawo kuti: “Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”​—1 Johani 4:15.

  • Shoko rinoratidza zvakaita Mwari. “Shoko rakanga riri mwari.” (Johani 1:1) Jesu “ndiye kuratidzwa kwokubwinya kwaMwari nomufananidzo wake chaiwo.”​—VaHebheru 1:2, 3.

  • Shoko rinotonga samambo. Bhaibheri rinotaura kuti mumusoro meShoko raMwari mune “korona zhinji.” (Zvakazarurwa 19:12, 13) Shoko rinonziwo “Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe.” (Zvakazarurwa 19:16) Jesu anonzi “Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe.”​—1 Timoti 6:14, 15.

  • Shoko rinotaura richimiririra Mwari. Zvinoita sekuti zita rekuremekedza rekuti “Shoko” rinoratidza kuti muridzi waro ndiye anoshandiswa naMwari pakuendesa mashoko ake nemirayiridzo yake. Jesu akatotaura kuti ndizvo zvaanoita paakati: “Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura. . . . Naizvozvo zvinhu zvandinotaura, ndinozvitaura, sokuzviudzwa kwandakaitwa naBaba.”​—Johani 12:49, 50.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe