RAMBAI MAKAMUKA!
Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupisa Zvakanyanya Kwemamiriro Ekunze Kuri Kuitika Pasi Rese?
Muna July 2022, munzvimbo dzakawanda pasi rese kunze kwakapisa zvakanyanya kupfuura zvakwati kwamboita:
“Kechipiri mwedzi uno, hurumende yeChina yayambira vanhu kuti mumaguta anoda kusvika 70 muchapisa zvisingaiti.”—25 July 2022, CNN Wire Service.
“Nemhaka yekuti kunze kuri kupisa zvisingaiti muEurope, kune moto iri kupisa masango munyika dzakawanda dzeko.”—17 July 2022, The Guardian.
“Musi weSvondo, mumaguta akawanda muUnited States makapisa zvakusati kwamboita kunyanya kumabvazuva, kumaodzanyemba uye nechekumusoro kwayo.”—24 July 2022, The New York Times.
Zvese izvi zvinoratidzei? Nyika ichasvika pakusagarika here? Bhaibheri rinoti kudii?
Kupisa kuri kuita mamiriro ekunze kuri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri here?
Hongu. Kupisa kuri kuita kunze pasi rese kunoenderana nezvakagara zvataurwa muBhaibheri kuti zvaizoitika panguva ino yatiri kurarama. Semuenzaniso, Jesu akaprofita kuti taizoona “zvinhu zvinotyisa.” (Ruka 21:11) Kuwedzera kupisa kuri kuita kunze kuri kuita kuti vakawanda vatyire kuti vanhu vachaparadza nyika.
Nyika ichasvika pakusagarika here?
Kwete. Mwari akasika nyika kuti vanhu vagare pairi nekusingaperi. (Pisarema 115:16; Muparidzi 1:4) Pane kusiya vanhu vachiiparadza, akavimbisa kuti ‘achaparadza vaya vari kuparadza nyika.’—Zvakazarurwa 11:18.
Ona uprofita huviri hunoratidza zvimwe zvakavimbiswa naMwari:
“Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.” (Isaya 35:1) Mwari haasi kuzosiya nyika ichisvika pakuita segwenga risangagariki, asi achagadzirisa nzvimbo dzese dziri kuparadzwa nevanhu.
“Munochengeta nyika, muchiita kuti ibereke zvakawanda uye kuti ipfume.” (Pisarema 65:9) Mwari achaita kuti nyika ive paradhiso.
Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti kuchinja kwemamiriro ekunze kuri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri, verenga nyaya yakanzi “Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvemamiriro Ekunze Uye Ramangwana Redu.”
Kuti unzwe zvakawanda nezvevimbiso yeBhaibheri yekuti Mwari achagadzirisa zvinhu panyika, ona nyaya yakanzi “Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?”