RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 97
  • Nei Ndichifanira Kukumbira Ruregerero?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndichifanira Kukumbira Ruregerero?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei ndichifanira kukumbira ruregerero?
  • Ungataura sei kuti “ndine urombo”
  • Kuti Mufare Muwanano: Kumbira Ruregerero
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Unofanira Kukumbira Ruregerero Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Nei Kwakaoma Kwazvo Kukumbira Ruregerero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kukumbira Ruregerero—Kunokosha Kuti Pave Norugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 97
Mwana wechikoro akagara mukirasi, achitsiurwa nemudzidzisi wake.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Ndichifanira Kukumbira Ruregerero?

Waizoita sei kana zvinotevera zvikaitika?

  1. Mudzidzisi wako anokutuka nehasha nekuti waita musikanzwa mukirasi.

    Unofanira kukumbira mudzidzisi wako ruregerero here kunyange uchifunga kuti azonyanyawo kutsamwa?

  2. Shamwari yako inoziva kuti wakataura mashoko asina kunaka nezvake.

    Unofanira kukumbira shamwari yako ruregerero here kunyange uchifunga kuti zvawakataura zvacho zvaiva zvechokwadi?

  3. Unotsamwira baba vako wovapindura zvisina ruremekedzo.

    Unofanira kukumbira baba vako ruregerero here kunyange uchinzwa sekuti vakakutsamwisawo.

Mhinduro yemibvunzo yese iri 3 ndihongu. Asi nei uchifanira kutaura kuti “ndine urombo” kunyange uchinzwa sekuti une zvikonzero zvakanaka zvekusaita kudaro?

  • Nei ndichifanira kukumbira ruregerero?

  • Ungataura sei kuti “ndine urombo”

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Nei ndichifanira kukumbira ruregerero?

  • Kukumbira ruregerero kunoratidza kuti wakura. Paunobvuma zvinhu zvaunenge wataura kana kuti zvaunenge waita, unenge uchiratidza unhu hwakakosha huchazokubatsira kana wava munhu mukuru.

    “Kuzvininipisa uye kuva nemwoyo murefu kunotibatsira kuti tikumbire ruregerero toteerera zvinenge zvichida kutaurwa nemumwe munhu.”—Rachel.

  • Kukumbira ruregerero kunokubatsira kuti ugadzirise zvinhu. Vanhu vanotaura kuti “ndine urombo” vanoratidza kuti vanoda kuti pave nerugare kwete kuti varatidze kuti ndivo vakarurama uye kuti mumwe ndiye akanganisa.

    “Kunyange paunenge uchiona sekuti hausi iwe wakanganisa, chinokosha ndechekuti pave nerugare. Hapana chaunobva nekungotaura kuti ’ndine urombo’,” uye zvinobatsira chaizvo kuti ushamwari hwenyu husimbezve.”—Miriam.

  • Kukumbira ruregerero kunoita kuti unzwe zviri nani. Kugara uchiremerwa nezvaunenge wataura kana kuita kunorwadza chaizvo. Asi paunongokumbira ruregerero, unonzwa kurerukirwa zvekuti.a

    “Pane nguva dzandaitaura nababa vangu naamai ndisina kufunga. Ndaizozvidemba, asi zvaindiomera kuti ndikumbire ruregerero. Asi pandaizviita ndainzwa zviri nani nekuti zvaiita kuti mhuri yedu ivezve nerugare.”—Nia.

    Mukomana akabereka zidombo zihombe.

    Kurwadziwa nezvaunenge waita kwakaita semutoro unorema; paunongokumbira ruregerero unonzwa kurerukirwa

Kukumbira ruregerero kuri nyore here? Aiwa! Mumwe musikana anonzi Dena, aifanira kukumbira amai vake ruregerero kakawanda nekuti aisavaremekedza. Asi akati: “Hazvisi nyore kutaura kuti, ‘ndine urombo.’ Ndinonzwa pahuro pachiita sepane zibundu zvekuti handikwanisi kubudisa kana shoko!”

Ungataura sei kuti “ndine urombo”

  • Kana zvichiita, kumbira munhu wacho ruregerero muchionana. Kukumbira ruregerero muchionana kunobatsira kuratidza kuti uri kurwadziwa zvechokwadi. Asi kukumbira ruregero nemeseji kunogona kuita kuti munhu wawakanganisira asanyatsoona kuti uri kurevesa. Kunyange kana ukaisa kamunhu kakasuwa, mesejii yako ingasaratidza kuti uri kurevesa kuti une urombo.

    Zvaunogona kuita: Kana usingakwanisi kuona munhu wacho kuti ukumbire ruregerero, edza kufona kana kunyora kadhi. Asi chero nzira yaunenge wafunga, sarudza mashoko ako nekuchenjera.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akarurama anofungisisa mumwoyo make asati apindura.”—Zvirevo 15:28.

  • Kurumidza kukumbira ruregerero. Kana nyaya ikaita nguva refu isati yagadziriswa, ichawedzera kukora muto uye munopedzisira mava kutadza kuwirirana nemunhu wacho.

    Zvaunogona kuita: Zviudze zvaunoda kuita. Semuenzaniso unogona kuti, ‘Ndichakumbira reregerero nhasi.’ Zviudze nguva yaunoti haifaniri kupfuura usati wakumbira ruregerero, wobva waita izvozvo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kurumidza kugadzirisa nyaya.”—Mateu 5:25.

  • Kumbira ruregerero nemwoyo wese. Mumwe musikana anonzi Janelle anoti: “Kutaura kuti ‘Saka sori’ hakusi kukumbira ruregerero! Munhu wawakanganisira achakuremekedza kana ukabvuma zvawakaita.”

    Zvaunogona kuita: Kumbira ruregerero usingapi zvikonzero. Usaite sekunge uri kuti, “Ndichakumbira ruregerero rwezvandakakanganisa chete iye ozokumbira ruregerero rwezvaakakanganisa.”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Saka ngatirambei tichiita zvinhu zvinoita kuti pave nerugare.”—VaRoma 14:19.

Zvinotaurwa nevezera rako

Valerie.

“Zvinoda kuzvininipisa kuti munhu akumbire ruregerero, kunyanya paunenge uchiona sekuti hauna chawakanganisa. Kunyange kana chiri chokwadi, ndinoda kuti mashoko angu ave akanaka uye anokurudzira. Chinangwa changu ndechekudzimura moto kwete kuwedzera huni.”—Valerie.

Philip.

“Kana uri munhu anoda kukumbira ruregerero, zvinoratidza kuti unofarira vamwe kwete kuzvifunga. Kukumbira ruregerero kunogona kunyadzisa, asi kunoita kuti uve shamwari yakanaka uye kunogona kutosimbisa ushamwari hwenyu.”—Philip.

Kendall.

“Dzimwe nguva munhu anenge atadzirwa anogona kuwedzeredza. Asi izvozvo hazviratidzi kuti ndini ndakarurama uye kuti munhu wacho ndiye akanganisa. Chakanaka ndechekuzvibvunza kuti zvandaita zvamurwadza zvakadii. Kana munhu akarwadziwa nezvandinenge ndataura kana kuti zvandinenge ndaita, ndinofanira kukumbira ruregerero.”—Kendall.

Kudzokorora: Nei ndichifanira kukumbira ruregerero?

  • Kukumbira ruregerero kunoratidza kuti wakura.

  • Kukumbira ruregerero kunoita kuti ugadzirise zvinhu.

  • Kukumbira ruregerero kunoita kuti unzwe zviri nani.

Maitirwo azvo:

  • Kana zvichiita, kumbira ruregerero muchionana nemunhu wacho.

  • Kurumidza kukumbira ruregerero.

  • Kumbira ruregerero nemwoyo wese.

a Kana wakarasa kana kuti kuparadza chinhu chemumwe munhu, zvinenge zvakanaka kuti ukumbire ruregerero uye woedza kubhadhara kana kugadzirisa chinhu chacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe