Unoyeuka Here?
Wakanyatsoverenga here magazini egore rino eNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:
Chii chinoita kuti tikudze Jehovha?
Tinomukudza nekuti tinomuremekedza uye tinomuda zvikuru. Tinomukudzawo nekuti tinoda kuti vamwe vamuzive.—w25.01, peji 3.
Kana mumwe munhu akatigumbura, tingaitei kuti timuregerere?
Hatiite sekuti hatina kurwadziwa. Asi tinobvisa chigumbu mumwoyo medu. Izvozvo zvinoita kuti kurwadziwa kwatinenge taita kusakanganisa mabatiro atinoita vamwe.—w25.02, mapeji 15-16.
Nei hama dzechidiki dzichifanira kutevedzera zvakaitwa naMako?
Mako akabvuma basa raakapiwa rekuti anoshumira vamwe. Anogona kunge akarwadziwa nezvakamboitika kwaari asi haana kurega izvozvo zvichimutadzisa kushumira vamwe. Akagadzirisa ushamwari hwake naPauro uye aiwiriranawo nedzimwe hama dzakasimba pakunamata.—w25.04, peji 27.
Jesu airevei paakanyengetera achiti: “Ndakavazivisa zita renyu”? (Johani 17:26)
Vadzidzi vake vakanga vagara vachitoziva zita raMwari. Asi akavabatsira kuziva zvakawanda nezvaJehovha, izvo zvinosanganisira chinangwa chaakasikira nyika nevanhu, mabasa aakaita uye aachaita, uye kuti ndiMwari akaita sei.—w25.05, mapeji 20-21.
Kana tiri vanhu vanozvininipisa, zvii zvatinobvuma?
Tinobvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingazivi. Semuenzaniso, hatizivi kuti mugumo uchauya riini uye kuti Jehovha achatibatsira sei panguva yacho. Hatiziviwo zvichaitika mangwana uye hatikwanisi kunyatsonzwisisa kuti Jehovha anotiziva zvakadii.—w25.06, mapeji 15-18.
Tingaitei kuti tibatsirwe patinoverenga imwe nyaya kana kuti patinoteerera hurukuro?
Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Nyaya yacho yatsanangurwa sei kuti munhu anyatsonzwisisa chokwadi chiri muBhaibheri? Pane here muenzaniso unonyatsoshanda urimo wandingashandisa pandinenge ndichidzidzisa mumwe munhu? Ndiani anganyanya kufarira nyaya iyi?’—w25.07, peji 19.
Tinodzidzei nezvekuregerera kunoita Jehovha kubva pamabatiro aakaita Dhavhidhi?
Kunyange zvazvo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura, paakapfidza zvivi zvake, Jehovha akamuregerera. (1 Madz. 9:4, 5) Kana Mwari aregerera zvivi, haazombodzosi zvakare nyaya yacho mudariro. Nyaya iyoyo inenge yatopera.—w25.08, peji 17.
Ungaitei kana mudzidzi weBhaibheri ari kuomerwa nekubata imwe pfungwa?
Kana aine zvaari kunetseka nekubata pashure pekunge waedza kumutsanangurira zvinodzidziswa neBhaibheri, munogona kumbozvisiya mozoronga kuzvikurukura pave paya.—w25.09, peji 24.
Nei Bhaibheri richiti chivi chine “simba rinonyengera”? (VaH. 3:13)
Chivi chatinoberekwa tiinacho chinoita kuti titadzire Jehovha uye chinogona kuitawo kuti tigare tichingofunga kuti Jehovha haatidi.—w25.10, peji 16.
Zvinhu zvipi zvitatu zvatingaita kuti minyengetero yedu itibatsire kuwedzera kuswedera pedyo naJehovha?
(1) Tinogona kufunga nezvekuti Jehovha ndiMwari akaita sei. (2) Tinogona kufunga nezvezvinhu zvatiri kusangana nazvo tobva tazvitaura. Semuenzaniso, tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuregerera mumwe munhu. (3) Tinogona kunyatsotora nguva yedu tichinyengetera. Izvi zvichatibatsira kuti tinyatsotaura zviri pamwoyo pedu.—w25.10, mapeji 19-20.
Zvii zvatingaita kuti tibatsire vakwegura?
Tinogona kuvashanyira kana kuvafonera. Tinogonawo kuvaperekedza pavanoenda kunoona chiremba uyewo tinogona kushanda navo muushumiri.—w25.11, mapeji 6-7.
Ndezvipi zvinhu zvinokosha zvinofanira kuitwa nevari kuda kuchata kuti muchato wavo ukudze Jehovha?
Teererai mitemo yehurumende. Itai kuti zvichaitwa pamuchato wenyu zviratidze kuti munoremekedza Jehovha. Pfekai zvine mwero uye musaita tsika dzisingapindirani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Tauriranai zvakanaka muchinyatsobudirana pachena pamunenge muchironga muchato wenyu.—w25.12, mapeji 21-24.