NYAYA YEKUDZIDZA 40
RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare
Jehovha Ndiye ‘Mufaro Wedu Mukuru’
“ Ndichabva ndauya . . . kuna Mwari, iye mufaro wangu mukuru.”—PIS. 43:4.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti zvii zvinogona kutitorera mufaro uye tichaona kuti zvii zvatingaita kuti titangezve kufara.
1-2. (a) Zvii zviri kuitika kuvanhu vakawanda mazuva ano? (b) Tichadzidzei munyaya ino?
VANHU vakawanda mazuva ano vanoita zvinhu zvakasiyana-siyana vachida kufara muupenyu, asi havasi kumbofara. Vakawanda vavo vanogara vakasuwa uye vanofunga kuti zvinhu hazvisi kuzombofa zvakanaka. Vamwe vashumiri vaMwari vanombonzwawo saizvozvo. Tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira,” saka tinosangana nematambudziko anoita kuti tinetseke uye tisuruvare.—2 Tim. 3:1.
2 Munyaya ino tichakurukura kuti zvii zvinogona kutishayisa mufaro uye kuti zvii zvatingaita kuti titange kufara zvakare. Asi tichatanga nekukurukura kuti ndiani anogona kutibatsira kuti tinyatsofara muupenyu.
JEHOVHA NDIYE EGA ANOKWANISA KUTIBATSIRA KUTI TINYATSOFARA
3. Zvinhu zvakasikwa zvinotidzidzisei nezvaJehovha? (Onawo mifananidzo.)
3 Jehovha agara achifara uye anodawo kuti tifare. Ndokusaka akasika zvinhu zvakawanda zvinoita kuti tifare. Semuenzaniso, tinofara patinodya zvekudya zvinonaka, patinoona mhuka dzichitamba uye patinoona zvinhu zvinoyevedza zviri panyika. Zvese izvi zvinoratidza kuti Jehovha anotida uye anoda kuti tinakidzwe neupenyu!
Baby elephant: Image © Romi Gamit/Shutterstock; penguin chicks: Vladimir Seliverstov/500px via Getty Images; baby goats: Rita Kochmarjova/stock.adobe.com; two dolphins: georgeclerk/E+ via Getty Images
Kutamba kunoita mhuka kunoratidza kuti Jehovha ndiMwari anofara (Ona ndima 3)
4. (a) Chii chinoita kuti Jehovha agare achifara iye achiona vanhu vachitambura? (b) Jehovha anotibatsira sei? (Pisarema 16:11)
4 Jehovha anoona kutambura kuri kuita vanhu. Anorwadziwa paanotiona tichitambura. Asi Bhaibheri rinomuti ‘ndiMwari anofara.’ (1 Tim. 1:11) Chii chinoita kuti Jehovha agare achifara? Chimwe chikonzero ndechekuti akatosarudza zuva raanoda kubvisa nhamo nematambudziko zvachose. Asi haasi kuzongomirira kuti zuva iroro risvike kuti azotibatsira. Iye zvino Jehovha ari kutonzwisisa marwadzo atiri kutarisana nawo uye ane zvaari kutoita kuti atibatsire. Anotibatsira sei? Chimwe chaanotibatsira nacho ndechekuita kuti tinyatsofara. (Verenga Pisarema 16:11.) Ngatimboonai kuti kuziva Jehovha kwakabatsira sei Jesu kuti afare.
5-6. Chii chinoita kuti Jesu agare achifara?
5 Kunze kwaJehovha, hakuna anofara kupfuura Jesu. Nei zvakadaro? Ngatimboonai zvimwe zvikonzero. (1) Jesu “ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki.” Anonyatsotevedzera Baba vake ndokusaka achigara achifara. (VaK. 1:15; 1 Tim. 6:15) (2) Jesu akagara kwenguva yakareba chaizvo aina Baba vake kupfuura chero ani zvake. Sezvo Baba vake vari Mwari anofara, iye akatoredzerawo unhu ihwohwo.
6 Uyewo, Jesu anofarira kuita zvese zvaanonzi naBaba vake aite. (Zvir. 8:30, 31; Joh. 8:29) Nemhaka yekuti Jesu akaramba akatendeka, Jehovha anomufarira uye anodada naye.—Mat. 3:17.
7. Zvii zvinogona kutibatsira kuti tinyatsofara?
7 Nesuwo tinogona kunyatsofara kana tikaramba tichiwedzera kuziva Jehovha. Patinoramba tichidzidza nezvaJehovha uye tichimutevedzera, tinowedzerawo kufara. Tinofarawo patinoita zvatinonzi naMwari tiite uye patinoziva kuti anodada nesu.a (Pis. 33:12) Asi ngatitii dzimwe nguva tinombonzwa tisiri kufara kana kuti tinotogara tisingafari. Izvozvo zvinoreva here kuti Mwari haachatifariri? Aiwa! Tiri vanhu vane chivi uye dzimwe nguva tinombosangana nezvinhu zvinorwadza, zvinosuwisa, uye zvinoodza mwoyo. Jehovha anozvinzwisisa. (Pis. 103:14) Saka iye zvino ngatichikurukurai zvinhu zvinogona kutitadzisa kufara uye zvatingaita kuti tifare zvakare.
USAREGA CHERO CHII ZVACHO CHICHIKUSHAYISA MUFARO
8. Chii chinogona kuitika kwatiri patinosangana nematambudziko?
8 Zvinotishayisa mufaro #1: Matambudziko eupenyu. Zvimwe uri kubatwa zvisina kunaka nekuti uri mushumiri waJehovha. Unogona kunge uri kutambura nemhaka yekuti wakawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega, uri kurwara, wakwegura, kana kuti une nhamo yemari. Matambudziko ese aya anogona kutitorera mufaro wedu kunyanya kana pasinawo chatinogona kuita kuti tiagadzirise. Bhaibheri rinototi “kurwadziwa kwemwoyo kunoputsa mweya.” (Zvir. 15:13) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Babis, uyo anoshanda semukuru muungano. Akashayikirwa nemukoma wake pamwe chete nevabereki vake mumakore 4. Anoti: “Ndakanzwa sekuti ndakanga ndasara ndiri ndega uye kuti hapana aikwanisa kundibatsira. Mukoma wangu uye vabereki vangu pavakanga vachiri vapenyu, ndainetseka nekuti ndaishaya nguva yekuvaona kakawanda sezvandaida.” Izvozvo zvinogona kuitikawo kwatiri. Tinogona kuomerwa neupenyu zvekuti tinosara tisisina simba uye takaora mwoyo.
9. Chii chinogona kutibatsira kuti titange kufara zvakare? (Jeremiya 29:4-7, 10)
9 Chii chinogona kutibatsira kuti titange kufara zvakare? Tinogona kufara kana tikaisa pfungwa pane zvinhu zvakanaka zvatiinazvo pane kunetseka nezvinhu zvatisingakwanisi kuchinja. Vanhu vakawanda munyika vanofunga kuti munhu anongokwanisa kufara chete kana zvinhu zvese zvichimufambira zvakanaka muupenyu. Asi ichocho hachisi chokwadi. Bhaibheri rinodzidzisa kuti tinokwanisa kufara kunyange kana zvinhu zvisiri kutifambira sezvatinenge tichida. Chimbofunga zvakataurwa naJehovha kuvaJudha vaiva kuBhabhironi. Akavaudza kuti vaifanira kubvuma kuti zvinhu zvakanga zvachinja uye kuti vakanga vava nhapwa mune imwe nyika. Asi vaifanira kuita zvese zvavaigona kuti vanakidzwe neupenyu vari ikoko. (Verenga Jeremiya 29:4-7, 10.) Tinodzidzei? Zvinogona kukuomera kuti ugamuchire mamiriro ako ezvinhu. Asi kana ukaedza kubvuma kuti mamiriro ako ezvinhu achinja, woisa pfungwa pane zvakanaka zvinenge zvichiitika muupenyu hwako, izvozvo zvinogona kuita kuti utange kufara zvakare. Uye yeuka kuti Jehovha haazombokusiyi uri wega. Achakubatsira. (Pis. 63:7; 146:5) Funga zvakaitika kuna Effie. Akaita tsaona, achibva akuvara zvekuti haachakwanisi kufamba. Asi Effie anotenda kubatsirwa kwaakaitwa naJehovha. Anoti: “Jehovha, vanhu vemumhuri mangu uye hama nehanzvadzi dzangu, vakandibatsira uye vakandikurudzira. Ndinoda kuratidza kuti ndinotenda zvavakandiitira uye zvavachiri kundiitira. Saka ndinoedza kugara ndichifara.”
10. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichifara pasinei nematambudziko atiri kusangana nawo?
10 Tinogona kuramba tichifara kunyange kana zvinhu zvisiri kutifambira zvakanaka muupenyu kana kuti kana chimwe chinhu chakaipa chikaitika kwatiri kana kune vamwe vemumhuri medu.b (Pis. 126:5) Nei zvakadaro? Nekuti mufaro wedu haubvi pakuti zvinhu zvakatimirira sei. Mumwe piyona anonzi Maria akati: “Patinosangana nematambudziko tinoramba tichifara nekuti tinoisa pfungwa pane zvatakavimbiswa naJehovha. Izvi hazvirevi hazvo kuti hatisi kuzombochema kana kuti kurwadziwa nezvinhu zvatinenge tiri kusangana nazvo. Asi Baba vedu vanogona kuita kuti tirambe tichifara pasinei nezvinhu zviri kuita kuti titambure.” Yeuka kuti kunyange kana zvinhu zvakakuomera zvisingaiti iye zvino, hazvisi kuzomboramba zvakadaro nekusingaperi. Pasara nguva pfupi kuti Jehovha abvise zvinhu zvese zviri kuita kuti titambure uye tisuruvare.
11. Zvakaitika kumuapostora Pauro zvinokubatsira sei?
11 Dzimwe nguva tinogona kufunga kuti matambudziko atiri kusangana nawo anoratidza kuti Jehovha haasi kutikomborera. Kana uchimbopindwa nepfungwa idzodzo, funga nezvevashumiri vaJehovha vakatendeka vakasangana nematambudziko akawanda, vakadai semuapostora Pauro. Akanga asarudzwa naJesu pachake kuti azivise mashoko akanaka “kune mamwe marudzi nekumadzimambo nekuvanakomana vaIsraeri.” (Mab. 9:15) Iri raiva basa rinokosha chaizvo raakanga apiwa! Asi akasangana nematambudziko akawanda chaizvo muupenyu hwake. (2 VaK. 11:23-27) Kutambura kwaaiita kwaireva here kuti Jehovha akanga asisiri kumufarira? Aiwa! Jehovha ndiye aitobatsira Pauro kuti atsungirire. (VaR. 5:3-5) Saka fungawo zviri kuitika muupenyu hwako. Uri kutsungirira pasinei nematambudziko ese auri kusangana nawo. Izvozvo zvinoratidza kuti Jehovha ari kukubatsira uye ari kukukomborera.
12. Chii chinogona kuitika kana tikatadza kuzadzisa zvinangwa zvatinenge tiinazvo pakunamata?
12 Zvinotishayisa mufaro #2: Kana zvatinenge tichitarisira zvikatadza kuitika. (Zvir. 13:12) Tinoda Jehovha uye tinoda kuratidza kuti tinomutenda, saka izvi zvinoita kuti tive nezvinangwa pakumushumira kwatinoita. Asi kana tikava nezvinangwa zvatisingakwanisi kuzadzisa nemhaka yemamiriro edu ezvinhu, tinogona kuora mwoyo. (Zvir. 17:22) Mumwe piyona anonzi Holly akati: “Ndaida kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo, kushumira kune imwe nyika, kana kuti kubatsira pabasa rekuvaka. Asi mamiriro angu ezvinhu akachinja, uye ndakanga ndisingachakwanisi kuzadzisa zvinangwa zvangu. Izvi zvakandirwadza.” Vashumiri vaJehovha vakawanda vanorwadziwawo pavanotadza kuzadzisa zvinangwa zvavanenge vainazvo mubasa raJehovha.
13. Zvii zvatingaita kana mamiriro edu ezvinhu achititadzisa kuita zvakawanda pakushumira Jehovha?
13 Chii chinogona kutibatsira kuti titange kufara zvakare? Yeuka kuti Jehovha haatitarisiri kuti tiite zvakawanda kupfuura zvatinogona. Anotikoshesa kunyange kana tisiri kukwanisa kuita zviri kuitwawo nevamwe. Jehovha anoda kuti tive nemwero pakufamba naye uye tirambe takatendeka kwaari. (Mika 6:8; 1 VaK. 4:2) Anonyanya kukoshesa kuti tiri vanhu vakaita sei, kwete mabasa atinoita. Saka hatifaniri kufunga kuti tinofanira kuita zvinhu zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa.c Kana mamiriro ako ezvinhu achikutadzisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha, edza kuisa pfungwa pane zvinhu zvaunokwanisa kuita. Unogona kubatsira here kudzidzisa vechidiki mabasa kana kuti kukurudzira hama nehanzvadzi dzakwegura? Pamwe unogona kuedza kushanyira mumwe munhu, kumufonera, kana kuti kumutumira meseji uchingomukurudzira? Jehovha achakukomborera uye achaita kuti ufare paunoita zvinoenderana nemamiriro ako ezvinhu! Uyewo, yeuka kuti munyika itsva, une zvakawanda zvaunokwanisa kuzoita uchishumira Jehovha. Izvi ndizvo zvakakurudzira Holly. Akati: “Pandinonzwa kuora mwoyo, ndinoedza kuzviyeuchidza kuti ndichararama nekusingaperi uye panguva iyoyo, Jehovha achandibatsira kuti ndiite zvakawanda mubasa rake.”
14. Chii chimwe chinogona kutishayisa mufaro?
14 Zvinotishayisa mufaro #3: Kufunga kungozvifadza nguva dzese. Pasocial media, tinogona kuona vanhu vanenge vachiita sekuti zvinhu zviri kuvafambira zvakanaka muupenyu uye kuti vari kufara. Tinogona kubva tatanga kufunga kuti kana tikaita zvinhu zvatinofarira, tikatenga zvinhu zvatinoda, kana kuti kushanyira nzvimbo dzakasiyana-siyana ndizvo zvichaita kuti tinyatsofara muupenyu. Hapana hapo chakaipa nekuti munhu aite zvinhu zvaanofarira. Jehovha anoda kuti tinakidzwe nezvinhu zvakanaka zvaakasika. Asi vanhu vakawanda vakaona kuti zvinhu zvavaifunga kuti ndizvo zvaizoita kuti vafare, zvakatovashayisa mufaro. Mumwe piyona anonzi Eva anoti: “Kana nguva dzese pfungwa dzako dziri pakuita zvinhu zvekungozvifadza hauzombogutsikane.” Kungofunga kuita zvinhu zvakatinakira isusu chete nguva dzese kuchatishayisa mufaro uye kuchaita kuti tiore mwoyo.
15. Tinodzidzei kubva kuna Mambo Soromoni?
15 Zvakaitika kuna Mambo Soromoni zvinotibatsira kuona kuti kungofunga kuita zvinhu zvakatinakira isusu chete nguva dzese kunotishayisa mufaro. Mambo Soromoni akaedza kuita zvinhu zvakasiyana-siyana achifunga kuti ndizvo zvaizoita kuti afare. Akazvitsvagira zvekudya zvinonaka zvakawanda, aiteerera mimhanzi inonakidza, uye aizvitengera zvinhu zvinodhura. Asi zvese izvozvo hazvina kumboita kuti afare. Akataura kuti: “Ziso harigutswi nekuona; uye nzeve haizari nekunzwa.” (Mup. 1:8; 2:1-11) Mazuva ano munyika vamwe vanhu vanofunga kuti kana vaine mari yekuzviitira chero chavanenge vachida, vachafara muupenyu. Asi ichocho hachisi chokwadi nekuti izvozvo hazvimbofa zvakaita kuti tifare zvechokwadi.
16. Kubatsira vamwe kunoita sei kuti titange kufara zvakare? (Onawo mifananidzo.)
16 Chii chinogona kutibatsira kuti titange kufara zvakare? Jesu akadzidzisa kuti “kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Mumwe mukuru anonzi Alekos anoti: “Ndinoedza kuitira vanhu zvinhu zvidiki zvandinokwanisa. Pandinowedzera kuita zvinhu zvinobatsira vamwe handizonyanyi kuisa pfungwa pandiri, uye izvi zvinoita kuti ndiwedzere kufara.” Saka zvii zvaunogona kuitawo kuti ubatsire vamwe? Kana ukaona mumwe munhu achinetseka, unogona kumukurudzira. Ungasakwanisa hako kugadzirisa matambudziko ake ese, asi unogona kumunyaradza. Anogona kunzwa zviri nani kana ukanyatsomuteerera paanenge achitaura zviri kumunetsa uye woedza kunzwisisa kuti ari kunzwa sei. Muyeuchidzewo kuti audze Jehovha manzwiro aanenge achiita nekuti Jehovha ane hanya naye. (Pis. 55:22; 68:19) Unogona kumubatsirawo kuti ayeuke kuti Jehovha haazombomusiyi. (Pis. 37:28; Isa. 59:1) Unogona kutoitawo chimwe chinhu chinomubatsira, chakadai sekumubikira zvekudya kana kuti kungomuwanira nguva yekuti mukurukure mese. Unogonawo kuenda kunoparidzira naye, nekuti kuparidzira mashoko akanaka kwagara kuchiita kuti tifare. Bvuma kushanda naJehovha pakukurudzira vamwe. Kana tikaisa pfungwa dzedu pakubatsira vamwe kwete pakungozvifadza, tichava nemufaro wechokwadi!—Zvir. 11:25.
Pane kungogara uchingoita zvaunoda iwewe, itawo zvinhu zvinobatsira vamwe (Ona ndima 16)d
17. Kana tichida kunyatsofara muupenyu, tinofanira kuitei? (Pisarema 43:4)
17 Tinogona kufara kana tikaramba tichiwedzera kuziva Jehovha uye tichiedza kumufadza. Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha ndiye ‘mufaro wedu mukuru.’ (Verenga Pisarema 43:4.) Saka kunyange kana tiri kusangana nematambudziko, hatifaniri hedu kunetseka kana kutya. Kana tikaramba tiri pedyo naJehovha achatibatsira kuti tirambe tichifara nekusingaperi!—Pis. 144:15.
RWIYO 155 Ndimi Mufaro Wedu
a Ona bhokisi rakanzi “Jehovha Anotipa Sei Mufaro?”
b Semuenzaniso, enda pajw.org woona vhidhiyo yaHama Dennis naIrina Christensen yakabuda muMashoko Abva kuDare Rinotungamirira #5, 2023.
c Kuti unzwe zvakawanda, ona nyaya yakanzi “Ita Zvinoenderana Nezvaunokwanisa, Kuti Ufare” iri muNharireyomurindi yaJuly 15, 2008.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi inoenda kunozvitengera zvinhu zvakawanda zvainoda, asi inowedzera kufara painotengera maruva imwe hanzvadzi yechikuru iri kuda kukurudzirwa.