NYAYA YEKUDZIDZA 15
RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu
‘Kuswedera Pedyo naMwari Kwakatinakira!’
“Kana ndiri ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.”—PIS. 73:28.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvatingaita kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha uyewo kuti tinobatsirwa sei nekuita izvozvo.
1-2. (a) Zvii zvinodiwa kuti uzova neushamwari hwepedyo nemumwe munhu? (b) Tichakurukurei munyaya ino?
UNE shamwari yepedyo here? Zvii zvawakaita kuti uzova neushamwari hwepedyo naye? Zvimwe waiita nguva yakawanda uinaye, wakaziva nezvematambudziko aakasangana nawo, uye wakazivawo zvaanofarira nezvaasingafariri. Wakaonawo kuti ane unhu hwakanaka hwaunoda kutevedzera. Wakasvika pakunyatsoda shamwari yako.
2 Zvinotora nguva kuti uzova neushamwari hwepedyo nemumwe munhu. Ndizvo zvazviriwo kana tichida kuva neushamwari hwepedyo naJehovha Mwari. Nyaya ino ichakurukura zvatingaita kuti tiwedzere kuswedera pedyo naMwari wedu uye kuti kuita izvozvo kunotibatsira sei. Kutanga, ngatikurukurei kuti zvakanakirei kuti tiswedere pedyo neShamwari yedu yepamwoyo, Jehovha.
3. Nei tichifanira kufungisisa kuti tinobatsirwa sei nekuswedera pedyo naJehovha? Taura muenzaniso.
3 Tinoziva kuti kuswedera pedyo naJehovha kwakatinakira. Asi kufungisisa nezvekuti kwakanakirei kunogona kutibatsira kuti tirambe tichiwedzera kuswedera pedyo naye. (Pis. 63:6-8) Semuenzaniso tinoziva kuti kudya zvekudya zvine utano, kuita maekisesaizi, kurara zvakakwana uye kunwa mvura yakawanda zvakatinakira. Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda havafungi nezvezvinhu izvi uye havachengetedzi utano hwavo. Asi kugara tichifunga nezvekuti zvinhu izvi zvakanakirei kunogona kutibatsira kuti tigare tichizviita. Saizvozvowo, tinogona kunge tichiziva kuti kuswedera pedyo naJehovha kwakanaka, asi patinofungisisa nezvekuti tinobatsirwa sei nekuita izvozvo, zvichaita kuti tide kuwedzera kuswedera pedyo neShamwari yedu.—Pis. 119:27-30.
4. Munyori wePisarema 73:28 akati kudii?
4 Verenga Pisarema 73:28. Munyori wePisarema 73 aiva muRevhi aiita basa rekuimba patemberi yaJehovha. Anofanira kunge akanga ava nemakore akawanda achishumira Jehovha akatendeka. Asi aiziva kuti zvaikosha kuti ayeuke kuti “kuswedera pedyo naMwari” kwakamunakira uye aidawo kuti vamwe vazive kuti kuva neushamwari naMwari kwakavanakirawo. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuswedera pedyo naMwari?
“KUSWEDERA PEDYO NAMWARI” KUNOUNZA MUFARO
5. (a) Nei kuwedzera kuswedera pedyo naJehovha kuchiunza mufaro? (b) Maererano naZvirevo 2:6-16, taura mienzaniso inoratidza kuti uchenjeri hunobva kuna Jehovha hungakubatsira uye kukudzivira sei.
5 Patinowedzera kuswedera pedyo naJehovha, tinowedzerawo kufara. (Pis. 65:4) Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tidaro. Chimwe chacho ndechekuti tinobatsirwa nekushandisa uchenjeri huri muShoko rake Bhaibheri. Uchenjeri ihwohwo hunotidzivirira kuti tisaita zvinhu zvinotikuvadza uye kuti tisaita zvikanganiso zvakakura. (Verenga Zvirevo 2:6-16.) Ndosaka Bhaibheri richitaura kuti: “Anofara munhu anowana uchenjeri uye munhu anowana ungwaru.”—Zvir. 3:13.
6. Chii chakaita kuti munyori wepisarema asuwe?
6 Izvi hazvirevi hazvo kuti shamwari dzaJehovha hapana padzinombosuwawo. Munyori wePisarema 73 akasuwa paakatanga kufunga zvinhu zvisingakurudziri. Airwadziwa uye aiitira shanje vanhu vakaipa avo vaisada Mwari uye vaisateerera mitemo yake nekuti aiona sekuti ndivo vaibudirira muupenyu. Akatanga kufunga kuti vanhu vaiita zvemhirizhonga uye vaizvikudza ndivo vaiva neupfumi, utano hwakanaka uye vakanga vasingatombotamburi. Asi mafungiro iwayo akanga asina kururama. (Pis. 73:3-7, 12) Munyori wepisarema akanetseka chaizvo zvekuti akatombofunga kuti kushumira kwaaiita Jehovha hakuna zvakwaibatsira. Paakanga akasuwa kudaro akataura kuti: “Chokwadi hapana zvazvinobatsira kuchengeta kwandakaita mwoyo wangu wakachena uye kugeza kwandakaita maoko angu kuti ndisava nemhosva.”—Pis. 73:13.
7. Chii chatingaita paya patinenge takasuwa? (Onawo mufananidzo.)
7 Kunyange zvazvo akanga akasuwa, munyori wepisarema ane zvaakaita kuti agadzirise mafungiro ake. Akapinda “munzvimbo tsvene yaMwari” uye ari imomo, Jehovha akamubatsira kuti agadzirise mafungiro ake. (Pis. 73:17-19) Patinenge takasuwa, Jehovha, Shamwari yedu yepamwoyo, anozviziva. Kana tikanyengetera kwaari tichikumbira kuti atitungamirire tobvuma rubatsiro rwaanotipa achishandisa Shoko rake neungano, tichawana simba rekuti tikwanise kuramba tichimushumira patinenge takasuwa. Kunyange patinowandirwa nezvinhu zvinotidya mwoyo, Jehovha achatinyaradza otibatsira kuti tirambe takadzikama.—Pis. 94:19.a
MuRevhi akanyora Pisarema 73 akamira “munzvimbo tsvene yaMwari” (Ona ndima 7)
“KUSWEDERA PEDYO NAMWARI” KUNOITA KUTI TIRARAME TIINE CHINANGWA NETARIRO
8. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuswedera pedyo naMwari?
8 Kuswedera pedyo naMwari kwakatinakirawo munzira mbiri idzi dzinokosha. Yekutanga, kunoita kuti tive nechinangwa muupenyu. Yechipiri, kunoita kuti tive netariro yeramangwana. (Jer. 29:11) Ngatimboongororai zvinhu izvi zviviri.
9. Kuswedera pedyo naJehovha kunoita kuti tirarame upenyu hwakaita sei?
9 Kuswedera pedyo naJehovha kunoita kuti tirarame upenyu hune chinangwa. Vanhu vakawanda mazuva ano vasingatendi kuti Mwari ariko, vanofunga kuti upenyu hauna chinangwa uye vanofunga kuti pachasvika nguva yekuti panyika pachange pasisina kana munhu. Asi kubva pakudzidza kwatakaita Shoko raMwari, tinonyatsobvuma kuti Mwari “ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.” (VaH. 11:6) Kunyange iye zvino tinorarama tichifara nekuti tiri kushumira Baba vedu vekudenga Jehovha, uye izvozvo ndizvo zvatakasikirwa.—Dheut. 10:12, 13.
10. Chii chinotaurwa pana Pisarema 37:29 nezveramangwana revaya vakaisa tariro yavo muna Jehovha?
10 Vanhu vakawanda vanongoisa pfungwa pane zvinhu zvemunyika ino chete zvakadai sekuenda kubasa, kurera vana uye kuchengeta mari yekuti vazoshandisa kana vachembera. Havatombozivi kuti Mwari akavimbisa kuti achaitei mune ramangwana. Asi vashumiri vaJehovha vanoisa tariro yavo maari. (Pis. 25:3-5; 1 Tim. 6:17) Tinovimba naMwari uyo watakaswedera pedyo naye uye tinovimba kuti achazadzisa zvaakativimbisa. Tine zvinhu zvakawanda zvatinotarisira mune ramangwana, kunyanya kuzonamata Mwari wedu nekusingaperi muParadhiso.—Verenga Pisarema 37:29.
11. Chii chinoitika kana tiine ushamwari naMwari, uye izvozvo zvinoita kuti anzwe sei?
11 Kuswedera pedyo naMwari kwakatinakirawo mune dzimwe nzira dzakawanda. Semuenzaniso, Jehovha anovimbisa kuregerera zvivi zvevanhu vanopfidza avo vari pedyo naye. (Isa. 1:18) Saka hatinetseki nekuzvipa mhosva nezvezvivi zvatakaita kare. (Pis. 32:1-5) Uyewo tinofara patinoita kuti Jehovha afare. (Zvir. 23:15) Pamwe unogona kufungawo nezvemamwe makomborero akawanda atinowana kana tiine ushamwari hwepedyo naMwari. Asi ungaita sei kuti urambe uchiswedera pedyo naMwari?
ZVAUNGAITA KUTI URAMBE ‘UCHISWEDERA PEDYO NAMWARI’
12. Zvii zvawakaita kuti uwedzere kuswedera pedyo naMwari?
12 Kana uri muKristu akabhabhatidzwa, une zvakawanda zvawakatoita kuti uswedere pedyo naJehovha. Wakadzidza chokwadi nezvaJehovha Mwari naKristu Jesu, wakapfidza zvivi zvako, wakaratidza kutenda kwakasimba muna Mwari, uye wakaita zvese zvaunogona kuti urarame maererano nezvaanoda. Asi kuti uwedzere kuswedera pedyo naMwari, unofanira kuramba uchiita zvinhu izvi.—VaK. 2:6.
13. Zvinhu zvipi zvitatu zvingatibatsira kuti tirambe tichiswedera pedyo naJehovha?
13 Chii chichatibatsira kuti tirambe tichiwedzera kuswedera pedyo naJehovha? (1) Tinofanira kuramba tichiverenga nekudzidza Bhaibheri. Patinenge tichiita izvozvo, chinangwa chedu hachifaniri kungova chekuziva zvakawanda nezvaMwari. Asi tinofanira kuedza kunzwisisa mafungiro aMwari uye zvaanoda kuti tiite, torarama maererano naizvozvo. (VaEf. 5:15-17) (2) Tinofanirawo kusimbisa kutenda kwedu kuburikidza nekufungisisa nezveuchapupu huripo hunoratidza kuti anotida. (3) Tinofanirawo kuvenga zvinhu zvinovengwa naJehovha torega kushamwaridzana nevanhu vanoita zvinhu izvozvo.—Pis. 1:1; 101:3.
14. Maererano nezvinotaurwa pana 1 VaKorinde 10:31, ndezvipi zvimwe zvinhu zvatingaita muupenyu hwedu hwezuva nezuva kuti tifadze Jehovha? (Onawo mifananidzo.)
14 Verenga 1 VaKorinde 10:31. Zvinokosha kuti tiite zvinhu zvatinoziva kuti zvichafadza Jehovha. Izvi hazvingogumiri pakuenda kunoparidza nekupinda misangano. Kuita zvinhu zvakanaka zvinofadza Jehovha kunosanganisirawo zvinhu zvatinoita muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Semuenzaniso, kana takatendeka muzvinhu zvese uye tichipawo vamwe zvatiinazvo, tinoita kuti Jehovha afare. (2 VaK. 8:21; 9:7) Jehovha anodawo kuti tiratidze kuti tinoremekedza chipo cheupenyu chaakatipa. Tinowedzera kuswedera pedyo naMwari wedu akatipa upenyu kuburikidza nekuva nemwero pakudya nekunwa, uye kuita zvinhu zvinochengetedza utano hwedu. Zvese zvatichaita kuti tifadze Jehovha kunyange pazvinhu zvidiki zvichaita kuti awedzere kutida.—Ruka 16:10.
Kutyaira mota zvakanaka, kupawo vamwe zvatiinazvo, uye kuita zvinhu zvinochengetedza utano hwedu zvakadai sekuita maekisesaizi nekudya zvekudya zvine utano, ndedzimwe nzira dzatinofadza nadzo Jehovha (Ona ndima 14)
15. Jehovha anotarisira kuti tibate vamwe sei?
15 Jehovha anoitira zvakanaka vanhu vakarurama nevasina. (Mat. 5:45) Anotarisira kuti tibatewo vamwe zvakanaka. Semuenzaniso anotiudza kuti ‘tisataure zvakaipa nezvevamwe vanhu uye tisapopotedzane navo, asi tinyatsoratidza unyoro kuvanhu vese.’ (Tito 3:2) Saka hatitarisiri vamwe pasi nekungoti chete havatendi zvatinotenda. (2 Tim. 2:23-25) Tinowedzera kuswedera pedyo naJehovha nekubata vanhu vese zvakanaka.
TINOGONA “KUSWEDERA PEDYO NAMWARI” KUNYANGE PATINOKANGANISA
16. Munyori wePisarema 73 akatanga kunzwa sei pane imwe nguva?
16 Asi ko kana ukatanga kunzwa sekuti hauna kukodzera kudiwa naJehovha nekuti pane zvimwe zvawakambokanganisa? Sezvatambokurukura, izvi ndizvo zvakaitika kumunyori wePisarema 73. Akati: “Tsoka dzangu dzakanga dzava kuda kutsauka; tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza.” (Pis. 73:2) Akatotaura ega kuti ‘airwadziwa uye akanga asingafungi achiita semhuka isina pfungwa pamberi’ paJehovha. (Pis. 73:21, 22) Asi akabva azviona here sekuti akanga asingachabatsiriki kana kuti asisakodzeri kudiwa naJehovha nekuti akambova nemafungiro akaipa?
17. (a) Munyori wepisarema akaitei paakanga akaora mwoyo? (b) Tinodzidzei kubva pane zvaakaita? (Onawo mifananidzo.)
17 Kana munyori uyu wepisarema akambofunga kuti Jehovha akanga amurasa, haana kuita nguva refu aine pfungwa idzodzo. Kunenge kuti panguva yaakanga akaora mwoyo, ndipo paakaona kuti aifanira kuwedzera kuswedera pedyo naMwari sezvinoratidzwa nemashoko aakataura ekuti: “Asi iye zvino ndinoramba ndiinemi [Jehovha]; makabata ruoko rwangu rwerudyi. Munonditungamirira nezano renyu, uye pashure paizvozvo munonditungamirira kuti ndikudzwe.” (Pis. 73:23, 24) Isuwo tinofanira kutarisa kuna Jehovha kuti atitsigise paya patinenge tisina simba kana kuti takaora mwoyo. (Pis. 73:26; 94:18) Kunyange kana tsoka dzedu dzikambotsauka, tinogona kudzokera kuna Jehovha tiine chivimbo chekuti ‘akagadzirira kukanganwira.’ (Pis. 86:5) Paya patinenge takaora mwoyo ndipo patinofanira kutowedzera kuswedera pedyo naMwari.—Pis. 103:13, 14.
Patinonzwa kuti kutenda kwedu hakusisina kusimba tinofanira kuwedzera kuswedera pedyo naMwari kuburikidza nekunyengetera kakawanda uye kupinda misangano (Ona ndima 17)
“KUSWEDERA PEDYO NAMWARI” NEKUSINGAPERI
18. Nei tichikwanisa kuramba tichiswedera pedyo naJehovha nekusingaperi?
18 Tinogona kuramba tichiswedera pedyo naJehovha nekusingaperi. Bhaibheri rinoti nzira dzaJehovha, uchenjeri hwake, uye ruzivo rwake ‘zvakadzama.’ Saka ticharamba tichingodzidza nezvake nekusingaperi.—VaR. 11:33.
19. Mashoko atinoverenga mumaPisarema anoita kuti tive nechivimbo chei?
19 Pisarema 79:13 rinoti: “Isu vanhu venyu uye makwai emafuro enyu, tichakuongai nekusingaperi; uye tichazivisa kurumbidzwa kwenyu kwezvizvarwa nezvizvarwa.” Kana ukaramba uchiswedera pedyo naMwari, newewo unogona kuva nechokwadi chekuti uchawana makomborero asingaperi uye uchakwanisa kutaura nechivimbo kuti: “Mwari idombo remwoyo wangu uye mugove wangu nekusingaperi.”—Pis. 73:26.
RWIYO 32 Tsigira Jehovha!
a Kana munhu achigara achingozvidya mwoyo kana kuti akasuwa anogona kunge achida rubatsiro rwavanachiremba. Kuti uwane mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi, Nhamba 1 2023.