RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 April p. 31
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Kuvimbika kwaItai
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Ndidzidzisei Kuita Kuda Kwenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 April p. 31

Waizviziva Here?

Nei vanhu vemamwe marudzi vaiva muuto raMambo Dhavhidhi?

MUUTO raMambo Dhavhidhi maiva nevamwe varume vaisava vaIsraeri vakadai saZereki muAmoni, Uriya muHiti, uye Itima muMoabhi.a (1 Mak. 11:​39, 41, 46) Uto raDhavhidhi raivawo ‘nevaKereti, vaPereti uye vaGati.’ (2 Sam. 15:18) VaKereti nevaPereti vanogona kunge vaiva neukama hwepedyo nevaFiristiya. (Ezek. 25:16) VaGati vaiva vagari vemuguta revaFiristiya reGati.—Josh. 13:​2, 3; 1 Sam. 6:​17, 18.

Nei Dhavhidhi akaita kuti vanhu vemamwe marudzi vave muuto rake? Aiva nechokwadi chekuti vainge vakavimbika kwaari uye zvikurukuru kuna Jehovha. Semuenzaniso, The New Interpreter’s Dictionary of the Bible richitaura nezvevaKereti nevaPereti rinoti: “Vakaramba vakavimbika kuna Dhavhidhi panguva dzainge dzakaoma chaizvo paaitonga.” Vakaratidza sei kuti vainge vakavimbika kwaari? “Varume vese veIsraeri” pavakasiya Mambo Dhavhidhi vachitevera “nhubu yainzi Shebha,” vaKereti nevaPereti vakaramba vaina Dhavhidhi uye vakabatsira pakurwisa kupanduka kwainge kwatangwa naShebha. (2 Sam. 20:​1, 2, 7) Pane imwe nguva, mwanakomana waMambo Dhavhidhi, Adhonija, akaedza kubvuta umambo. Asi vaKereti nevaPereti vakaramba vakavimbika kuna Dhavhidhi uye vakabatsira pakugadza Soromoni uyo ainge asarudzwa naJehovha kuti ave mambo anotevera.—1 Madz. 1:​24-27, 38, 39.

Mumwe munhu aisava muIsraeri akaramba akanyatsovimbika kuna Dhavhidhi ndiItai muGati. Itai nevarwi vake 600 vakatsigira Mambo Dhavhidhi, mwanakomana wake Absaromu paakapanduka ndokunyengedza mwoyo yevarume veIsraeri kuti vapandukire mambo. Dhavhidhi akaudza Itai kuti sezvo aisava muIsraeri, aisafanira hake kurwira Dhavhidhi. Asi Itai akati: “Ndinopika naJehovha mupenyu uye neupenyu hwashe wangu mambo, chero panenge pana ishe wangu mambo, ndipo pachava nemuranda wenyu, kunyange zvikareva upenyu kana kufa!”—2 Sam. 15:​6, 18-21.

Itai naMambo Dhavhidhi vari kukurukura vachifara.

Itai ainge akavimbika kuna Dhavhidhi, uyo aiva mambo akazodzwa naJehovha

Kunyange zvazvo vaKereti, vaPereti nevaGati vaiva vatorwa, vaiziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi uye kuti Dhavhidhi aiva muzodziwa waJehovha. Dhavhidhi anofanira kunge aionga chaizvo kuti aitsigirwa nevarume vakavimbika zvakadaro.

a Mutemo waMwari uri pana Dheuteronomi 23:​3-6 wairambidza vaAmoni nevaMoabhi kupinda muungano yevaIsraeri. Asi zvinoita sekuti mutemo uyu waitaura nezvekuva nhengo yerudzi rwacho zvizere uye waisarambidza vanhu vemarudzi aya kuti vawadzane nevanhu vaMwari kana kugara pakati pavo. Ona Insight on the Scriptures, Volume 1, peji 95.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe