RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp24 nha. 1 pp. 6-9
  • Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • TINODA KUTUNGAMIRIRWA NAMWARI
  • BHAIBHERI RINOTIUDZA ZVINODIWA NAMWARI KUTI TIITE
  • Zvinonzi neBhaibheri Zvakanaka Uye Zvarinoti Zvakaipa Zvichiri Kushanda Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri
    Mukai!—2018
  • Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Tinofanira Kusarudza Kuti Tichateerera Ani
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
wp24 nha. 1 pp. 6-9

Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa

Kana tikaita zvisarudzo zvichibva pamaonero edu chete kana kuti evamwe, hatigoni kuva nechokwadi chekuti zvisarudzo izvozvo zvichatibatsira here. Bhaibheri rinotiudza chikonzero chacho. Rinotiudzawo kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi, izvo zvinoita kuti tifare uye tigutsikane muupenyu.

TINODA KUTUNGAMIRIRWA NAMWARI

MuBhaibheri, Jehovhaa Mwari anotiudza kuti aida kuti vanhu vatsvage kutungamirirwa naye kwete kuti vazvitungamirire. (Jeremiya 10:23) Ndosaka muBhaibheri achitiudza kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Jehovha anoda vanhu uye haadi kuti tiite zvisarudzo zvakaipa zvinoita kuti tizvirwadzise kana kuti tizvipinze mumatambudziko. (Dheuteronomi 5:29; 1 Johani 4:8) Sezvo ari Musiki wedu ane ruzivo neuchenjeri, anokwanisa kutipa mazano akanaka. (Pisarema 100:3; 104:24) Asi Mwari haamanikidzi vanhu kuti vateerere mitemo yake.

Jehovha akapa vanhu vaviri vekutanga, Adhamu naEvha, zvese zvavaida kuti vafare muupenyu. (Genesisi 1:​28, 29; 2:​8, 15) Akavapawo mitemo isina kumbooma yaaida kuti vateerere. Asi akaita kuti vazvisarudzire vega kuti vaida kutevedzera mitemo iyoyo here kana kuti kwete. (Genesisi 2:​9, 16, 17) Zvinosuwisa kuti Adhamu naEvha vakasarudza kuita zvavaida pane kutevedzera mitemo yaMwari. (Genesisi 3:6) Zvavakasarudza izvozvo zviri kuita kuti vanhu vafare here? Vanhu vari kufara here pavanosarudza kuita chero zvavanofunga kuti ndizvo zvakanaka? Aiwa. Tiri kunyatsozvionera tega kuti vanhu pavanoramba kuteerera mitemo yaMwari, havambovi nerugare nemufaro.—Muparidzi 8:9.

Bhaibheri rinotipa mazano anotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka pasinei nekuti tinobva kupi. Ona kuti rinozviita sei. (2 Timoti 3:​16, 17; ona bhokisi rakanzi “Bhuku Rakanyorerwa Vanhu Vese.”)

Dzidza zvakawanda nezvekuti nei tichiti Bhaibheri ‘ishoko raMwari.’—1 VaTesaronika 2:13. Ona vhidhiyo inonzi Ndiani Akanyora Bhaibheri? pajw.org.

BHUKU RAKANYORERWA VANHU VESE

Sezvo Jehovha ari Musiki ane rudo uye uchenjeri, akaita kuti munhu wese akwanise kuwana zvinhu zvinomubatsira kuziva zvaanoti zvakanaka uye zvaanoti zvakaipa. Funga zvinhu zvinotevera nezveBhaibheri:

Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vari kuverenga Bhaibheri. Nechepasi pane maBhaibheri akaprindwa uye epafoni.
  • 3 500+ Nhamba yemitauro inowanika Bhaibheri, ringava rakazara kana kuti zvikamu zvaro. Hapana rimwe bhuku rakashandurwa mumitauro yakawanda kuripfuura.

  • 5 000 000 000+ Nhamba yemaBhaibheri akabudiswa. Hapana rimwe bhuku rine vanhu vakawanda kuripfuura.

Bhaibheri harisimudziri pfungwa yekuti imwe nyika, dzimwe tsika, rumwe rudzi kana dzinza zviri nani pane mamwe. Zviri pachena kuti bhuku iri rakanyorerwa vanhu vese.

Verenga Bhaibheri paindaneti (rinowanika mumitauro inopfuura 250) pajw.org

Murume akanongedza paari kuverenga muBhaibheri.

NEI VAMWE VACHITI BHAIBHERI HARIBATSIRI?

Vamwe vanhu vanofunga kuti Bhaibheri harikwanisi kuvapa mazano anobatsira. Vanotaura zvinhu zvinotevera.

Zvavanotaura: “Zvinotaurwa neBhaibheri hazvipindirani.”

Chokwadi nezvenyaya yacho: Mamwe mavhesi mashomanana ari muBhaibheri anogona kuita seasingapindirani. Asi patinozoongorora nyaya yacho, tsika nemararamiro aiita vanhu panguva yarakanyorwa, maonero emunyori nezvimwewo, tinobva taona kuti anotopindirana.

Kuti uone mimwe mienzaniso, verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinozvipikisa Here?” pajw.org.

Zvavanotaura: “Bhaibheri haribatsiri vanhu kuita zvisarudzo zvakanaka nekuti vacho vanoti vanotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri vanoita zvakaipa.”

Chokwadi nezvenyaya yacho: Hatingapi Bhaibheri mhosva yezvinhu zvakaipa zvinoitwa nevanhu vasingashandisi zvarinodzidzisa. Rakagara rataura kuti vanhu vakawanda, kusanganisira vatungamiriri vezvitendero, vanoti vanoita zvinotaurwa neBhaibheri vaizoita zvinopesana nezvarinotaura. Rakataurawo kuti zvaizoitwa nevanhu ivavo zvaizoita kuti ‘nzira yechokwadi ishorwe.’—2 Petro 2:​1, 2.

Kuti uone mumwe muenzaniso wezvinhu zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri zvinoitwa nevatungamiriri vezvitendero, ona nyaya yakanzi “Machechi Aripo Kuti Angoita Mari Here?” pajw.org.

Zvavanotaura: “Vanhu vanoti vanotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri havaremekedzi vanhu vavakasiyana navo.”

Chokwadi nezvenyaya yacho: Bhaibheri rinokurudzira kuti vanhu varemekedze vamwe. Harikurudziri kuti vanhu. . .

  • vazvione sevari nani pane vamwe.—VaFiripi 2:3.

  • vasaremekedza vanhu vane tsika kana chitendero chakasiyana nechavo.—1 Petro 2:17.

  • vamanikidze vamwe kuti vatende zvavanotenda.—Mateu 10:14.

Bhaibheri rinoratidza kuti nguva dzese Mwari anobata vanhu zvakanaka uye anoda kuti tidarowo.—VaRoma 9:14.

Kuti uwane mamwe mashoko, verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiremekedze Maonero Evamwe?” pajw.org.

BHAIBHERI RINOTIUDZA ZVINODIWA NAMWARI KUTI TIITE

Bhaibheri rinotiudza chokwadi nezvekuti Jehovha aitungamirira sei vanhu kubvira pakutanga. Rinotibatsira kunzwisisa zvinoonekwa naMwari sezvakanaka uye zvaanoona sezvakaipa. Bhaibheri rinoitawo kuti tizive zvinhu zvinotibatsira kana kuti zvinotikuvadza. (Pisarema 19:​7, 11) Rinotidzidzisa zvinhu zvechokwadi zvinotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka mazuva ese.

Semuenzaniso, funga nezvezano riri pana Zvirevo 13:20: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.” Zano iri richiri kungoshanda mazuva ano sekushanda kwaraiita kare. Bhaibheri rakazara nemazano akadai anoshanda uye anokosha.—Ona bhokisi rakanzi “Mazano Ari muBhaibheri Achiri Kushanda.”

Asi unogona kunetseka kuti, ‘Ndingava sei nechokwadi chekuti mazano ari muBhaibheri anogona kundibatsira iye zvino?’ Nyaya inotevera ichataura zvakaitika kune vamwe.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

MAZANO ARI MUBHAIBHERI ACHIRI KUSHANDA

Kunyange zvazvo Baibheri rakapedza kunyorwa anenge makore 2 000 adarika, richiri kushanda. Kubvira kare, zvinhu zvinokosheswa nevanhu hazvina kumbochinja. Munhu wese agara anoda kufara uye kuva neupenyu hwakanaka. (Muparidzi 1:9) Mazano euchenjeri ari muBhaibheri anogona kutibatsira kuti tiwane upenyu hwakadaro.

Kutendeseka

  • ‘Tinoda kuva vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.’—VaHebheru 13:18.

  • “Anoba ngaachirega kubazve; asi ngaashande nesimba.”—VaEfeso 4:28.

Kuwirirana Nevamwe

  • “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—1 VaKorinde 10:24.

  • “Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese.”—VaKorose 3:13.

Kuita Zvisarudzo

  • “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.

  • “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.”—Zvirevo 22:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe