RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w20 May pp. 8-11
  • Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • “Mambo Wekuchamhembe” Munguva Yekuguma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Ndiani “Mambo Wekuchamhembe” Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Nhevedzano Refu Yamasimba Enyika Yoswedera Pedyo Nomugumo Wayo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
w20 May pp. 8-11

Madzimambo Anokwikwidzana Munguva Yekuguma

Humwe uprofita hunotaurwa muchati ino hunozadzika panguva imwe chete. Hwese hunoratidza kuti tava kurarama “panguva yekuguma”​—Dhan. 12:4.

Chati iri kuratidza uprofita hwakasiyana-siyana uye kuzivikanwa kwamambo wekuchamhembe uye mambo wekumaodzanyemba kubva muna 1870 kusvika panguva ino.
  • Chati 1, iri kuratidza uprofita hunozadzika panguva imwe chete munguva yekuguma, uye inoratidza zvakaitika kubva munenge muna 1870 kusvika muna 1918. Makore anobva muna 1914 zvichienda mberi anozivikanwa senguva yekuguma. Uprofita 1: Chikara chine misoro minomwe chakanga chavapo kubva panotangira nguva iri pachati. Muhondo yeNyika I, musoro wechinomwe wechikara unokuvara. Kubva muna 1917 zvichienda mberi, musoro wechinomwe wechikara unopora uye chikara chacho chinova nesimba. Uprofita 2: Mambo wekuchamhembe anozivikanwa muna 1871, uye mambo wekumaodzanyemba anozivikanwa muna 1870. Muna 1871 Germany inozivikanwa samambo wekuchamhembe. Great Britain ndiyo inotanga kuzivikanwa samambo wekumaodzanyemba, asi inozotsiviwa neumambo hweBritain neAmerica muna 1917. Uprofita 3: Kutanga kuma1870, Charles T. Russell nevamwe vake vanotanga kuzivikanwa ‘senhume.’ Kuma1880, ‘Zion’s Watch Tower’ inokurudzira vaverengi vayo kuti vaparidze mashoko akanaka. Uprofita 4: Kubva muna 1914 zvichienda mberi, kukohwa. Masora anoparadzaniswa negorosi. Uprofita 5: Kubva muna 1917 zvichienda mberi, tsoka dzesimbi nevhu dzinotanga kuzivikanwa. Zvimwe zviri kuratidzwawo: Zvakaitika munyika kubva muna 1914 kusvika muna 1918, Hondo Yenyika I. Zviitiko zvinobata-bata vanhu vaMwari: Kubva muna 1914 kusvika muna 1918, Vadzidzi veBhaibheri vemuBritain uye muGermany vanoiswa mujeri. Muna 1918, hama dzekumahofisi makuru kuUnited States dzinoiswa mujeri.
    Uprofita 1.

    Magwaro Zvak. 11:7; 12:13, 17; 13:1-8, 12

    Uprofita “Chikara” chava nemakore anopfuura 3 000 chichitonga vanhu panyika. Munguva yekuguma, musoro wacho wechinomwe unokuvadzwa. Musoro wacho unozopora uye “nyika yese” inotevera chikara. Satani anoshandisa chikara ichocho kuti ‘arwe nevanenge vasara.’

    Kuzadzika Pashure peMafashamo, hurumende dzevanhu idzo dzisingadi Jehovha dzinotonga vanhu. Pashure pemakore anopfuura 3 000, Britain, imwe yehurumende idzi, inopera simba panorwiwa Hondo Yenyika I. Britain yakavazve nesimba payakabatana neUnited States. Munguva yekuguma, Satani ari kushandisa hurumende dzese dzepanyika kutambudza vanhu vaMwari.

  • Uprofita 2.

    Magwaro Dhan. 11:25-45

    Uprofita Mambo wekuchamhembe namambo wekumaodzanyemba vanorwisana munguva yekuguma.

    Kuzadzika Germany inorwa neBritain neAmerica. Muna 1945, Soviet Union nenyika dzinoitsigira dzinova mambo wekuchamhembe. Muna 1991, Soviet Union inoparara, uye nekufamba kwenguva, Russia nenyika dzinoitsigira dzinova mambo wekuchamhembe.

  • Uprofita 3.

    Magwaro Isa. 61:1; Mar. 3:1; Ruka 4:18

    Uprofita Jehovha anotuma “nhume” yake kuti ‘ivhure nzira,’ Umambo hwaMesiya husati hwavapo. “Nhume” iyi inotanga ‘kuzivisa vanyoro mashoko akanaka.’

    Kuzadzika Kubva muna 1870, C. T. Russell nevamwe vake vakashanda nesimba pakudzidza Bhaibheri kuti vanzwisise zvarinodzidzisa. Muna 1881, vakaona kuti zvinokosha chaizvo kuti vashumiri vaMwari vaparidze. Vakabudisa nyaya dzakadai seyaiti “Kuri Kudiwa Vaparidzi 1 000” neyaiti “Vakazodzwa Kuti Vaparidze.”

  • Uprofita 4.

    Magwaro Mat. 13:24-30, 36-43

    Uprofita Muvengi anodyara masora mumunda wegorosi, zvosiiwa kuti zvikure zvese. Gorosi rinotadza kuonekwa kusvikira nguva yekukohwa yakwana; masora anozoparadzaniswa negorosi.

    Kuzadzika Kutanga muna 1870, musiyano uri pakati pevaKristu vechokwadi nevenhema unowedzera kuoneka. Munguva yekuguma, vaKristu vechokwadi vanounganidzwa vachiparadzaniswa nevaKristu venhema.

  • Uprofita 5.

    Magwaro Dhan. 2:31-33, 41-43

    Uprofita Tsoka dzesimbi nevhu dzechifananidzo chakagadzirwa nezvinhu zvakasiyana-siyana.

    Kuzadzika Ivhu rinomiririra vanhu vanotongwa neBritain neAmerica vanopandukira hurumende idzodzo. Vanhu ivavo vanoita kuti hurumende idzi dzitadze kunyatsoshandisa simba radzo.

  • Chati 2, iri kuratidza uprofita hunozadzika panguva imwe chete munguva yekuguma kubva muna 1919 kusvika muna 1945. Germany ndiyo mambo wekuchamhembe kusvika muna 1945. Britain neAmerica ndidzo dzinozivikanwa samambo wekumaodzanyemba. Uprofita 6: Muna 1919, vaKristu vakazodzwa vanounganidzwa muungano. Kubva muna 1919 zvichienda mberi basa rekuparidza rinowedzera uye rinoramba richiitwa. Uprofita 7: Muna 1920, Sangano Renyika Dzakabatana rinoumbwa uye rinoramba riripo kusvika panotanga Hondo Yenyika II. Zvimwe zviri kuratidzwawo: Uprofita 1, chikara chine misoro minomwe chinoramba chiripo. Uprofita 5, tsoka dzesimbi nevhu dzinoramba dziripo. Zvakaitika munyika kubva muna 1939 kusvika muna 1945, Hondo Yenyika II. Zviitiko zvinobata-bata vanhu vaJehovha: Kubva muna 1939 kusvika muna 1945, Zvapupu zvinopfuura 11 000 zvinoiswa mujeri kuGermany. Kubva muna 1939 kusvika muna 1945, Zvapupu zvinenge 1 600 zvinoiswa mujeri kuBritain. Kubva muna 1940 kusvika muna 1944, Zvapupu zvinorwiswa nemapoka evanhu kanopfuura ka2 500 muUnited States.
    Uprofita 6.

    Magwaro Mat. 13:30; 24:14, 45; 28:19, 20

    Uprofita “Gorosi” rinounganidzwa richiiswa “mudura” uye “muranda akatendeka, akangwara,” anogadzwa kuti atungamirire “veimba.” “Mashoko akanaka eUmambo” anotanga kuparidzwa “munyika yese.”

    Kuzadzika Muna 1919, muranda akatendeka anogadzwa kuti atungamirire vanhu vaMwari. Kubvira ipapo, Vadzidzi veBhaibheri vanowedzera kuparidza. Iye zvino Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza munyika dzinopfuura 200, uye zviri kubudisa mabhuku mumitauro inopfuura 1 000.

  • Uprofita 7.

    Magwaro Dhan. 12:11; Zvak. 13:11, 14, 15

    Uprofita Chikara chine nyanga mbiri chinoudza vanhu vanogara panyika kuti vagadzire “mufananidzo wechikara” chine misoro minomwe uye chinopa “mweya wekufema kumufananidzo wechikara.”

    Kuzadzika Britain neAmerica dzinotungamirira pakuumba Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations). Sangano iri rinotsigirwawo nedzimwe nyika. Mambo wekuchamhembe anozobatanawo nesangano iri kwenguva pfupi, kubva muna 1926 kusvika muna 1933. League of Nations inopiwa rukudzo runofanira kungopiwa Umambo hwaMwari chete, sezvakazoitawo United Nations (UN), iyo yakazovapo gare gare.

  • Chati 3, iri kuratidza uprofita hunozadzika panguva imwe chete munguva yekuguma kubva muna 1945 kusvika muna 1991. Soviet Union nenyika dzinoitsigira dzinozivikanwa samambo wekuchamhembe kusvika muna 1991, uye inozotsiviwa neRussia nenyika dzinoitsigira. Britain neAmerica dzinozivikanwa samambo wekumaodzanyemba. Uprofita 8: Utsi huri kubva pakuputika kwaita bhomba renyukireya huri kuratidza kuparadza kukuru kwakakonzerwa neumambo hweBritain neAmerica. Uprofita 9: Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese rakaumbwa muna 1945, richitsiva Sangano Renyika Dzakabatana. Zvimwe zviri kuratidzwawo: Uprofita 1, Chikara chine misoro minomwe chinoramba chiripo. Uprofita 5, tsoka dzesimbi nevhu dzinoramba dziripo. Uprofita 6, muna 1945 nhamba yevaparidzi inopfuura 156 000. Muna 1991, nhamba yevaparidzi inopfuura 4 278 000. Zviitiko zvinobata-bata vanhu vaJehovha: Kubva muna 1945 kusvika kuma 1950, zviuru zveZvapupu zvinoendeswa kuSiberia.
    Uprofita 8.

    Magwaro Dhan. 8:23, 24

    Uprofita Mambo anotyisa kutarisa “achaparadza nenzira inoshamisa.”

    Kuzadzika Britain neAmerica dzakauraya vanhu vakawanda uye dzakaparadza zvinhu zvakawanda. Semuenzaniso, muHondo Yenyika II, United States yakadonhedzera mabhomba maviri enyukireya pamuvengi weumambo hwenyika mbiri idzi, ikaparadza zvinhu zvakawanda.

  • Uprofita 9.

    Magwaro Dhan. 11:31; Zvak. 17:3, 7-11

    Uprofita Chikara “chitsvuku” chine nyanga gumi chinobuda mugomba rakadzikadzika uye ndimambo wechisere. Bhuku raDhanieri rinotaura nezvamambo uyu ‘sechinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese.’

    Kuzadzika Sangano Renyika Dzakabatana rinomira kushanda muHondo Yenyika II. Panopera hondo, Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (UN) rinoumbwa. Kungofanana neSangano Renyika Dzakabatana, UN inopiwa rukudzo runofanira kupiwa Umambo hwaMwari. UN icharwisa zvitendero.

  • Chati 4, iri kuratidza uprofita hunozadzika panguva imwe chete munguva yekuguma kubva mumazuva ano kusvika paAmagedhoni. Russia nenyika dzinoitsigira dzinozivikanwa samambo wekuchamhembe. Britain neAmerica dzinozivikanwa samambo wekumaodzanyemba. Uprofita 10: Vatungamiriri venyika vanozivisa kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.” Pavanongodaro, kutambudzika kukuru kunobva kwatanga. Uprofita 11: Nyika dzinorwisa masangano ezvitendero zvenhema. Uprofita 12: Hurumende dzenyika dzinorwisa vanhu vaMwari. Vakazodzwa vanenge vachiri panyika vanoenda kudenga. Uprofita 13: Amagedhoni. Uya ‘akatasva bhiza jena’ anopedzisa “kukunda kwake.” Chikara chine misoro minomwe chinoparadzwa; tsoka dzesimbi neivhu dzechifananidzo chikuru dzinoparadzwa. Zvimwe zviri kuratidzwawo: Uprofita 1, chikara chine misoro minomwe chinoramba chiripo kusvika paAmagedhoni. Uprofita 5, tsoka dzesimbi neivhu dzinoramba dziripo kusvika paAmagedhoni. Uprofita 6, mazuva ano pava nevaparidzi vanopfuura 8 580 000. Zviitiko zvinobata-bata vanhu vaJehovha : Muna 2017, hurumende yeRussia inosunga Zvapupu uye inotora zvivakwa zvebazi.
    Uprofita 10 ne11.

    Magwaro 1 VaT. 5:3; Zvak. 17:16

    Uprofita Nyika dzinozivisa kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana” uye “nyanga gumi” “nechikara” zvinorwisa “pfambi” zvoiparadza. Pashure paizvozvo, nyika dzinobva dzaparadzwa.

    Kuzadzika Nyika dzinogona kutaura kuti dzakwanisa kuita kuti pave nerunyararo. Nyika dzinotsigira UN dzinobva dzaparadza masangano ezvitendero zvenhema. Uku ndiko kuchava kutanga kwekutambudzika kukuru. Kutambudzika ikoko kuchapera pachaparadzwa nyika yese yaSatani paAmagedhoni.

  • Uprofita 12.

    Magwaro Ezek. 38:11, 14-17; Mat. 24:31

    Uprofita Gogi anopinda munyika yevanhu vaMwari. Ngirozi dzinobva dzaunganidza ‘vakasarudzwa.’

    Kuzadzika Mambo wekuchamhembe pamwe chete nedzimwe hurumende dzenyika vacharwisa vanhu vaMwari. Pane imwe nguva kurwisa uku kwatanga, vakazodzwa vanenge vachiri panyika vachaenda kudenga.

  • Uprofita 13.

    Magwaro Ezek. 38:18-23; Dhan. 2:34, 35, 44, 45; Zvak. 6:2; 16:14, 16; 17:14; 19:20

    Uprofita Uya ‘akatasva bhiza jena’ anopedzisa “kukunda kwake” nekuparadza Gogi nemauto ake. “Chikara” ‘chinokandwa mugungwa remoto,’ uye dombo rinopwanya chifananidzo chikuru.

    Kuzadzika Jesu, mambo weUmambo hwaMwari anouya kuzonunura vanhu vaMwari. Achauya pamwe chete nevane 144 000 nemauto ake engirozi kuzoparadza nyika dzese dzinenge dzabatana kuti dzirwise vanhu vaMwari. Uku ndiko kuchava kuguma kwenyika yaSatani.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe