RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w20 March p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzivirirwa Nemapurisa—Tariro uye Kutya
    Mukai!—2002
  • “Vakaunganidza Sanihedrini”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mapurisa—Nei Tichiada?
    Mukai!—2002
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
w20 March p. 31
Mapurisa echiJudha epatemberi atumwa nevatungamiriri vechitendero kuti vasunge varume vaviri.

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ndivanaani vaiva mapurisa echiJudha epatemberi? Vaiita mabasa api?

Rimwe remabasa aiitwa nevaRevhi vakanga vasiri vapristi raiva rekushanda semapurisa. Vaishanda vari pasi pemukuru mukuru wepatemberi. Munyori aiva muJudha ainzi Philo akatsanangura mabasa aiitwa nemapurisa aya. Akati: “Vamwe vevaRevhi ava vaimira sevarindi pasuo rega rega, vamwe vaimirawo mutemberi nechepamberi penzvimbo tsvene kuti varambidze munhu asina kodzero yekupinda imomo kunyange achizviita nekusaziva. Vamwe vaiita majana ekutenderera patemberi vachiirinda siku nesikati.”

Dare reSanihedrini raigonawo kukumbira kubatsirwa nemapurisa aya. Ndivo vega vaJudha vaibvumirwa kuva nezvombo nehurumende yeRoma.

Mumwe muongorori anonzi Joachim Jeremias akatsanangura kuti varindi pavakasunga Jesu, akavabvunza kuti nei vasina kumusunga paaigara achidzidzisa patemberi mazuva ese. (Mat. 26:55) Jesu aisazovabvunza izvozvo kudai varindi ava vakanga vasiri mapurisa epatemberi. Muongorori mumwe chete iyeye anofunga kuti vaya vainge vambotumwa pane imwe nguva kuti vasunge Jesu vaivawo mapurisa epatemberi. (Joh. 7:32, 45, 46) Gare gare varindi nemukuru mukuru wavo vakatumwa kuti vauye nevadzidzi vaJesu pamberi peSanihedrini, uye vangangodaro vari ivo vakazvuzvurudzira muapostora Pauro kunze kwetemberi.​—Mab. 4:1-3; 5:17-27; 21:27-30.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe