RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 December p. 7
  • Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri
    Mukai!—2018
  • Chengetedza Wanano Yako
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenyaya Yekupinda Muwanano Kana Kuti Kugara Wakadaro?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 December p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?

Jehovha anoti wanano mubatanidzwa wemurume nemudzimai uye vanofanira kuramba vari vese. (Ge 2:22-24) Upombwe chete ndihwo hungaita kuti vanhu varambane. (Mar 2:16; Mt 19:9) Sezvo Jehovha achida kuti vanhu vafare muwanano, akatipa mazano anotibatsira kusarudza neuchenjeri munhu wekuroorana naye uye zvatinofanira kuita kuti tizoramba tichifara.—Mup 5:4-6.

ONA VHIDHIYO YAKANZI CHII CHINONZI RUDO RWECHOKWADI?, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Lizzy achitaura nababa vake

    Nemhaka yei kutsiurwa kwakaitwa Lizzy nevabereki vake kwaiva kwakanaka?

  • Nemhaka yei usingafaniri kufunga kuti unogona kuchinja unhu hwemunhu wauri kudanana naye?

  • Hama nahanzvadzi Robert vakabatsira sei Lizzy?

  • Zach naMagie vari pamusangano weungano

    Chii chakaita kuti Zach naMagie vatange kunetsana?

  • Lizzy naJohn vari pamusangano weungano

    John naLizzy vaiva nezvinangwa zvipi pakunamata zvakafanana?

  • Usati waroorana nemumwe munhu, nei uchifanira kutanga waziva “munhu akavanzika womwoyo” wake? (1Pe 3:4)

  • Chii chinonzi rudo rwechokwadi? (1VaK 13:4-8)

VaKristu vangawana kupi mamwe mazano anobatsira panyaya yekudanana?

  • Nyaya dziri paJW Broadcasting dzakanzi Kugadzirira Kupinda Muwanano

  • Vhidhiyo iri paJW.ORG yakanzi Rudo Rwechokwadi Here Kana Kuti Harusi?

  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1 ne2

  • Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza (Enda pakanzi “Upenyu Hwemhuri,” wozotsvaga pakanzi “Kupfimbana Uye Kudanana.”)

Vakaroorana vangawana kupi mazano anovabatsira?

  • Nyaya dziri paJW.ORG (Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MAZANO EKUBATSIRA MHURI.)

  • Bhurocha Mhuri Yenyu Inogona Kufara

  • Bhuku Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri

  • Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza (Enda pakanzi “Upenyu Hwemhuri,” wozotsvaga pakanzi “Wanano.”)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe