RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 October p. 7
  • Raramira Jehovha!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Raramira Jehovha!
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Zvatinodzidza Mumufananidzo Wematarenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kugadzikisa Nhau Pakushandiswa Kwemari dzaKristu
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Fara Nezvauri Kuitira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Muenzanisiro Wamatarenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 October p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Raramira Jehovha!

Upenyu chipo chinokosha. Mararamiro atinoita anoratidza kuti tinokoshesa chipo ichi here kana kuti kwete. SeZvapupu zvaJehovha, tinoedza kushandisa matarenda edu neunyanzvi hwedu kukudza Jehovha uye kumushumira, sezvo ari iye akatipa upenyu. (Pis 36:9; Zva 4:11) Asi nhamo dzeupenyu munyika ino yakaipa dzinogona kuita kuti tisakoshesa zvinhu zvekunamata. (Mk 4:18, 19) Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kupa Jehovha zvakanakisisa here? (Ho 14:2) Basa rangu harisi kundikanganisa here panyaya dzekunamata? Ndezvipi zvinangwa zvekunamata zvandinazvo? Ndingawedzera sei ushumiri hwangu?’ Kana ukaona kuti pane panoda kugadziriswa, nyengetera kuti Jehovha akubatsire uye pagadzirise. Kurumbidza Jehovha zuva nezuva kunoita kuti upenyu hunakidze uye hugutse!​—Pis 61:8.

Edgardo Franco achiimba; Edgardo Franco achiparidza

Ndiani wauri kupa matarenda ako?

ONAI VHIDHIYO INONZI SHANDISA TARENDA RAKO KUSHANDIRA JEHOVHA, MOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Nei kusiri kuchenjera kupa nyika yaSatani tarenda rako? (1Jo 2:17)

  • Makomborero api anowanikwa nevaya vanopa Jehovha zvakanakisisa?

  • Mabasa api ekunamata aungazvipira kushandisa matarenda ako neunyanzvi hwako?

ZVAMUNGAITA PAKUNAMATA KWEMHURI:

  • Bvunzai muparidzi ari mubasa renguva yakazara kana kuti asiri, asi ava nemakore achishumira Jehovha. Zvii zvaakasiya kuti ape Jehovha zvakanakisisa? Jehovha akamukomborera sei?

  • Endai paJW Broadcasting, motarisa pakanzi KUBVUNZWA NEKUTAURA ZVAKAITIKA > ZVIKOMBORERO ZVEBASA DZVENE. Muchaona vakawanda vava nemakore vari mubasa renguva yakazara vachitaura kufara kwavari kuita nebasa iri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe