PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 142-150
“Jehovha Mukuru Uye Anofanira Kurumbidzwa Kwazvo”
Dhavhidhi paaiona kuti ukuru hwaJehovha hahuna pahunogumira, akanzwa achida kumurumbidza nekusingaperi
Sezvakaita Dhavhidhi, vashumiri vaJehovha vakavimbika vanonzwawo vachida kugara vachitaura nezvemabasa aJehovha anoratidza simba rake
Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha anoda uye anokwanisa kuchengeta vanhu vose vanomunamata