Vashumiri VechiKristu Vanofanira Kunyengetera
1. Chii chinodiwa kuti tigone kuita ushumiri hwedu?
1 Hatikwanisi kuita ushumiri tiri toga. Jehovha anotipa simba rokuti tiite basa racho. (VaF. 4:13) Anoshandisa ngirozi dzake kutibatsira kutsvaga vanhu vakaita semakwai. (Zvak. 14:6, 7) Jehovha Mwari ndiye anoita kuti mbeu dzechokwadi dzatinodyara uye dzatinodiridza dzikure. (1 VaK. 3:6, 9) Zvinokosha chaizvo kuti mushumiri wechiKristu avimbe naBaba vedu vokudenga nokunyengetera.
2. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinogona kunyengeterera?
2 Kuzvinyengeterera: Tinofanira kunyengetera nguva dzose patinoparidzira. (VaEf. 6:18) Ndezvipi zvinhu zvatinogona kunyengeterera? Tinogona kunyengeterera kuti tione zvakanaka ndima yedu uye kuti tive neushingi. (Mab. 4:29) Tinokwanisa kukumbira Jehovha kuti atitungamirire kune vanhu vane mwoyo yakarurama vatinogona kudzidza navo Bhaibheri. Kana saimba akabvunza mubvunzo, tinogona kunyengetera mumwoyo tichikumbira Jehovha kuti atibatsire kupa mhinduro yakanaka. (Neh. 2:4) Tingakumbirawo uchenjeri hwokuti tiise ushumiri panzvimbo yokutanga. (Jak. 1:5) Uyezve, Jehovha anofadzwa patinoshandisa mashoko okuonga ropafadzo yokuva vashumiri vake.—VaK. 3:15.
3. Kunyengeterera vamwe kunofambisira mberi sei basa rokuparidzira?
3 Kunyengeterera Vamwe: Tinofanirawo ‘kunyengetererana’ uye pazvinenge zvakakodzera kunyange kutotaura mazita evamwe vatinoshumira navo. (Jak. 5:16; Mab. 12:5) Kusava neutano hwakanaka kunokutadzisa kuita zvimwe zvinhu mubasa rokuparidzira here? Saka nyengeterera vamwe vaunoshumira pamwe navo vane utano hwakanaka. Usamborerutsa kushanda kunoita minyengetero yako nokuda kwavo. Zvakakodzerawo kunyengeterera kuti vakuru vakuru vasarambidze basa redu rokuparidzira kuitira kuti hama dzedu ‘dzirambe dzichirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara.’—1 Tim. 2:1, 2.
4. Nei tichifanira kuramba tichinyengetera?
4 Kuparidzira mashoko akanaka mupasi rose rinogarwa iropafadzo yatisingagoni kuita nesimba redu toga. Kana ‘tikaramba tichinyengetera,’ tichaita basa racho tichitsigirwa naJehovha.—VaR. 12:12.