Iva Nechinangwa Chokudzidzisa Mumwe Munhu Bhaibheri
1 “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.” (Joh. 4:35) Mashoko iwayo akataurwa naJesu Kristu akanyatsokodzerana nemamiriro ezvinhu evashumiri vechiKristu nhasi.
2 Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanoda kudzidziswa nzira dzaJehovha vachiri kuwanika. Izvi zvinooneka nokuwanda kwevadzidzi vatsva vari kubhabhatidzwa gore negore. Kana uchida nomwoyo wose kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri, ungaitei?
3 Iva Nechinangwa: Kutanga, iva nechinangwa chokuti udzidze Bhaibheri nomumwe munhu nguva dzose. Gara uchifunga chinangwa ichocho paunenge uri muushumiri. Sezvo basa redu rechiKristu richisanganisira kudzidzisa pamwe chete nokuparidza, tose zvedu tinofanira kutsvaka mikana yokuita zvakawanda mubasa rokudzidzisa Bhaibheri.—Mat. 24:14; 28:19, 20.
4 Zvimwe Zvokufunga Nezvazvo: Vaparidzi voUmambo vanofanira kunyengetera nomwoyo wose. Dzimwe nguva tinowana vanhu vanenge vanyengetera kuti vabatsirwe kuziva Mwari. Chokwadi chikomborero chikuru kushandiswa naJehovha kuwana uye kudzidzisa vakadaro!—Hag. 2:7; Mab. 10:1, 2.
5 Imwe hanzvadzi yakanyengeterera kuti iwane mumwe munhu wokudzidza naye Bhaibheri uye ikaisa pachena makopi eturakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? painoshandira. Mumwe mukadzi akatora rimwe rematurakiti acho, akariverenga ndokutanga kuzadza kopani, hanzvadzi yacho yakabva yataura naye uye yakakwanisa kutanga kudzidza naye Bhaibheri.
6 Vamwe vaparidzi vane unyanzvi hwokutanga uye hwokudzidzisa vanhu Bhaibheri vangakubatsira kuti ukwanise kuita chinangwa chako chokudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri. Ita zvokunyengetera kuti uwane munhu mumwe chete waunodzidzisa Bhaibheri uye shandisa zvose zvinowanika pakukubatsira kuita chinangwa ichi. Zvimwe pasina nguva refu uchawana mufaro unobva pakudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri.