RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/06 p. 1
  • Chii Chaunoisa Pakutanga?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chaunoisa Pakutanga?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • “Unondida Here Kupfuura Idzi?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Zvaunovaraidzwa Nazvo Zvinobatsira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Usarega Chero Chii Zvacho Chichikuendesa Kure naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Shandisa Nguva Yako Nokuchenjera
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 10/06 p. 1

Chii Chaunoisa Pakutanga?

1 Waizopindura sei mubvunzo iwoyo? Chokwadika, tose zvedu tinoda kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga. (Mat. 6:33) Asi tingazvibvunza kuti, ‘Zvandinosarudza zvinoratidza izvozvo here?’ Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.” (2 VaK. 13:5) Tingaedza sei kuti tione kuti tiri kuisa Umambo pakutanga?

2 Nguva Yedu: Tingatanga nokuongorora kuti tinosarudza kushandisa nguva yedu sei. (VaEf. 5:15, 16) Inguva yakawanda zvakadini yatinopedza tiine shamwari, tichiona terevhizheni, tiri paIndaneti, kana kuti tichiita zvatinofarira vhiki yoga yoga? Kana tikanyora nguva yatinopedzera pazvinhu izvozvo tozoienzanisa nenguva yatinopedzera muzvinhu zvokunamata, tingatoshamisika. Tinopedza nguva refu tiri kubasa tisingakoshesi basa dzvene tichingoitira kuti tive nezvinhu zvomutambarakede here? Kangani patinotadza kupinda misangano kana kuti patinotadza kubuda muushumiri nechikonzero chokuti tinenge tashanya kune dzimwe nzvimbo pakupera kwevhiki kuti tinozvivaraidza?

3 Isa Zvinhu Zvinokosha Pakutanga: Vakawanda vedu hatina nguva yakakwana yokuita zvose zvatinoda. Saka kuti tiise zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga, tinofanira kuongorora zvinhu zvatinokoshesa tobva taronga nguva yatinofanira kuita “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaF. 1:10) Izvozvi zvinosanganisira kudzidza Shoko raMwari, kuendawo kuushumiri, kutarisira mhuri, uye kupinda misangano yechiKristu. (Pis. 1:1, 2; VaR. 10:13, 14; 1 Tim. 5:8; VaH. 10:24, 25) Zvimwe zvinhu zvakaita sokurovedza muviri zvine mwero uye nhandaro yakanaka zvinobatsira. (Mako 6:31; 1 Tim. 4:8) Asi zvinhu izvi zvisinganyanyi kukosha hazvifaniri kukanganisa zvinhu zvine chokuita noUmambo.

4 Imwe hama yechiduku yakanga ichida kuisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga nokuita ushumiri hwenguva yakazara pane kuti ienderere mberi nedzidzo yepamusoro ichiitira kuti izowana basa rokunyika. Yakadzidza mumwe mutauro ikatamira kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Yakati: “Ndiri kunakidzwa chaizvo kuno. Ushumiri hunozorodza kwazvo! Ndinongoshuva hangu kuti kudai vechiduku vose vaizoita seizvi vonzwa semanzwiro andiri kuita. Hapana chimwe chinhu chinopfuura kushumira Jehovha nezvose zvatiinazvo.” Chokwadika, kuisa Umambo pakutanga kunotiunzira zvikomborero, asi zvinotonyanya kukosha ndezvokuti zvinofadza Baba vedu vokudenga, Jehovha.—VaH. 6:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe