Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi May 15
“Munofunga kuti mungafarira kurarama mumamiriro ezvinhu anorondedzerwa mundima iyi yakafuridzirwa here? [Verenga 2 Petro 3:13. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inotsanangura kuti matenga matsva nenyika itsva chii. Inotsanangurawo kuti upenyu huchange hwakasiyana sei Mwari paachazadzisa zvinangwa zvake pasi pano.”
Awake! May
“Vamwe vanhu vanofunga kuti, kuti ubudirire munyika yanhasi unofanira kuita chero chii zvacho. Asi kusiyana neizvozvo, onai zvakataurwa naJesu. [Verenga Mateu 5:5, 9.] Munobvumirana neizvi here? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura zvinhu zvitatu zvokubatsirwa kwatinoitwa nokuva vanhu vanoda kuita zvinounza rugare.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi June 1
“Mumarudzi akawanda, paiva nenguva apo vakwegura vairemekedzwa, sezvatinogona kuona mumutemo uyu wekare. [Verenga Revhitiko 19:32.] Munofunga kuti kuremekedza kwakadaro kuchiripo nhasi here? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura kuti Mwari anotarisira sei vakwegura uye kuti isu tingaitawo izvozvo sei.”
Awake! June
“Ugandanga hausi chinhu chitsva, asi mazuva ano hwapararira pasi pose, vanhu vose vave kuhutya. Munofunga kuti nei zvakadaro? [Rega apindure.] Awake! ino inoratidza zviri muBhaibheri kuti ugandanga huchapera rini uye kuti Mwari achaita sei kuti aunze rugare chairwo pasi pano.” Verenga Mika 4:4.