Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Jan. 1
“Vanhu vakawanda vanoshuva rugare pasi pano. Munofunga kuti tichazomboona mashoko aya achizadzika here? [Verenga Pisarema 46:9. Zvadaro rega apindure.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotaura kuti izvi zvichaitwa sei uye nei tichigona kuvimba nechipikirwa chaMwari chenyika isina hondo.”
Mukai! Jan. 8
“Pasi pose, mamiriyoni evanhu anotambura nezvinyamusi, zvakadai sokuora mwoyo kana kuti kuva nepfungwa dzinochinja-chinja. Musiki wedu ane hanya zvikuru nevakadaro. [Verenga Pisarema 34:18.] Magazini iyi inotaura kuti vane dambudziko iri vangabatsirwa sei. Inotaurawo chipikirwa cheBhaibheri chokuti munguva pfupi iri kutevera zvirwere zvose zvichabviswa.”
Nharireyomurindi Jan. 15
“Vakawanda vanoona zvakaoma kuvimba nomunhu upi noupi nokuti mazuva ano zvipikirwa zvakawanda hazvisi kuzadziswa. Munofunga kuti pane ane zvipikirwa zvatingavimba nazvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Joshua 23:14.] Magazini iyi inoratidza kuti tingavimba sei nezvipikirwa zvaMwari zvakanyorwa muBhaibheri.”
Mukai! Feb. 8
“Izvi ndizvo zvakaita zita raMwari mumutauro wechiHebheru. [Muratidze butiro.] Vamwe vanhu vanofunga zvakasimba kuti zita iri harimbofaniri kutaurwa zvinonzwika. Vamwe vanorishandisa vakasununguka. Magazini iyi yeMukai! inoongorora gakava iri. Inotaurawo kuti tingasvika sei pakuziva Mwari nezita.” Verenga Pisarema 83:18.