Pwere—Vakai Nheyo Yakanaka Kwazvo Yenguva Yemberi
1. Nei pwere dzechiKristu dzichifanira kuva nokutenda kwakasimba?
1 Chii chinokosha zvikuru mupfungwa dzako? Unofunga nezvei? Zvaunonyanya kuda zvakavakirwa pazvinhu zviripo iye zvino here, kana kuti zvinosvika munguva yemberi uchifunga zvakavimbiswa naMwari? (Mat. 6:24, 31-33; Ruka 8:14) Kutenda kwakasimba kunodiwa kuti tiite maererano nezvipikirwa zvaMwari, sezvingaonekwa pamienzaniso yaAbrahamu naMosesi. (VaH. 11:8-10, 24-26) Ungava sei nokutenda kwakadaro ndokuvaka “nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi”?—1 Tim. 6:19.
2. Tinodzidzei mumuenzaniso waMambo Josiya?
2 Tsvaka Jehovha: Kana uine purogiramu yokuita zvinhu zvokunamata nemhuri yenyu, izvozvo zvinorumbidzwa. Asi usafunga kuti purogiramu yakadaro ichangounza kutenda kwakasimba yoga. Kuti uwane “zivo yaMwari,” unofanira kutsvaka Jehovha iwe pachako. (Zvir. 2:3-5; 1 Mak. 28:9) Mambo Josiya muduku akaita kudaro. Pasinei nokukurira mumhoteredzo yakaipa zvikuru mune zvokunamata, “akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake” paakanga ane makore 15.—2 Mak. 34:3.
3. Nhasi vaKristu vechiduku vangatsvaka sei Jehovha?
3 Ungatsvaka sei Jehovha? Nokunyatsoongorora zvaunodavira uye ‘kuzviwanira’ kuti ichi ichokwadi chaichoicho. (VaR. 12:2) Somuenzaniso, ungatsanangura zvinotaurwa neBhaibheri here pamusoro peropa kana kuratidza kuti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga kumatenga muna 1914? Kuwana “zivo yakarurama yechokwadi” kunokosha pakuvaka nheyo yakanaka kwazvo yenguva yemberi.—1 Tim. 2:3, 4.
4. Vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vangaita sei kuti kufambira mberi kwavo kuonekwe?
4 Kutsvaka kwaJosiya Mwari kwakava nemigumisiro yakanaka. Asati asvika makore 20, akashingaira kubvisa kunamata kwenhema munyika. (2 Mak. 34:3-7) Saizvozvowo, kufambira mberi kwako mumudzimu kuchaonekwa nezvaunoita. (1 Tim. 4:15) Kana uri muparidzi asina kubhabhatidzwa, edza kuvandudza ushumiri hwako. Usagutsikana nokungogovera mabhuku. Vavarira kushandisa Bhaibheri, kukurukurirana nevanhu, uye kukudziridza kufarira kwaunowana. (VaR. 12:7) Izvi zvichakubatsira kukura mumudzimu.
5. Mikana ipi yokuwedzera ushumiri hwavo inowanikwa nevaKristu vakabhabhatidzwa?
5 Ipa Jehovha Zvakanakisisa Zvako: Paunoratidza kuzvitsaurira kwako kuna Jehovha nokubhabhatidzwa, unova mushumiri waMwari akagadzwa. (2 VaK. 3:5, 6) Izvi zvinozarura mikana yokuti ushumire Jehovha nguva yakazara. Iyi inosanganisira kupayona uyewo basa repaBheteri, roumishinari, uye basa renyika yose. Dzimwezve nzira dzokuwedzera ushumiri hwako dziri kuburikidza nokudzidza mumwe mutauro kana kuti nokutamira kunodiwa vaparidzi zvikuru.
6. Tose zvedu tingavaka sei nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi?
6 Chokwadi, havasi vose vangawana ropafadzo idzi dzebasa, asi mumwe nomumwe wedu angapa Jehovha zvakanakisisa zvake. (Mat. 22:37) Chero angava mamiriro ako ezvinhu, ita kuti kushumira Jehovha kuve chinhu chikuru muupenyu hwako. (Pis. 16:5) Nokuita kudaro, uchange uchizvivakira nheyo yakanaka kwazvo yenguva yemberi.