RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/02 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Tinoda Ungano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Ungano Ngaivakwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Uri Kutama Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 11/02 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Kupinda neungano iri mundima matinogara kunobatsirei?

Muungano ‘tinokurudzirwa kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.’ (VaH. 10:24, 25) Muungano tinodzidza chokwadi uye tinoshongedzerwa kuita basa redu rokuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Tinosimbiswawo kutsungirira miedzo takatendeka uye tine vatariri vane rudo vanotibatsira kubata nezvinetso zvakaita segomo uye kuzvidya mwoyo. Zvakajeka kuti ungano inokosha kuti tirambe tiri vapenyu mune zvokunamata. Zvisinei, kupinda neungano iri mundima matinogara kunobatsira here?

Mamiriro ezvinhu omunhu mumwe nomumwe akasiyana, uye zvinhu zvakadai sebasa rokunyika, murume kana mukadzi asingatendi, uye chokufambisa zvingava nechokuita nechisarudzo chedu chokupedzisira munhau iyi. Asi, kana munhu achipinda neungano iri mundima maanogara, pasina mubvunzo achabatsirwa mune zvokunamata uye nezvimwe zvinhu. Vakuru vangakwanisa kuonana nevaparidzi vose zviri nyore kana zvinhu zvashata. Mabhokisi Emibvunzo enguva yakapfuura akasimbisa zvimwe zvinhu zvakawanda zvinobatsira.—May 1991, uye April 1976.

Kazhinji, zviri nyore zvikuru kupinda misangano pedyo, zvichitibvumira kusvika nokukurumidza kuti titaure nevamwe, titarisire nhau dzinokosha, uye tiimbewo rwiyo rwokutanga nokuvapo pamunyengetero wokutanga. Kana vachangobva kufarira vachigara pedyo nesu, zvinowanzova nyore kuti tivaone, tidzidze Bhaibheri navo, uye tivatungamirire kumisangano yakavanakira zvikuru.

Tine chokwadi chokuti misoro yemhuri ichafunga nhau iyi yonyengetera, ichiyera zvose zvinobatanidzwa mukusarudza zvakanakisisa kuti mhuri yayo ibudirire mune zvokunamata uye kuti zviinakire mune zvimwe zvinhu.—1 Tim. 5:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe