Kutenda Kwedu Kunotikurudzira Kuita Mabasa Akanaka
1 Kutenda kwakaita kuti Noa, Mosesi, naRakabhi vaite chimwe chinhu. Noa akavaka areka. Mosesi akasiya mufaro wenguva pfupi mumba maFarao. Rakabhi akavanza vasori ndokubva ateerera mirayiridzo yavo, achiponesa mhuri yake. (VaH. 11:7, 24-26, 31) Kutenda kwedu kunotikurudzira kuita mabasa akanaka api nhasi?
2 Kupupura: Kutenda kunotikurudzira kuti titaure nezvaMwari wedu akaisvonaka uye urongwa hwake hwomufaro usingagumi. (2 VaK. 4:13) Pane dzimwe nguva, tinganzwa tichizengurira kupupura. Asi ‘patinoisa Jehovha pamberi pedu nguva dzose,’ tinosimbiswa uye kutya kunoderera. (Pis. 16:8) Zvadaro kutenda kwedu kunoita kuti tiudze mashoko akanaka kuhama dzokunyama, vavakidzani, vatinoshanda navo, vatinodzidza navo, uye vamwe panguva yose yakakodzera.—VaR. 1:14-16.
3 Kuungana Pamwe Chete: Kupinda misangano nguva dzose ndechimwe chinhu chakanaka chinobva mukutenda. Sei? Kunoratidza kuti tinotenda kuti Jesu anesu kuburikidza nomudzimu mutsvene waMwari patinoungana pamisangano yechiKristu. (Mat. 18:20) Kunoratidza chido chedu ‘chokunzwa zvinotaurwa nomudzimu kuungano.’ (Zvak. 3:6) Tinoteerera nomwoyo wose murayiridzo watinowana nokuti maziso edu okutenda anoona kuti uyo anotidzidzisa ndiye Mudzidzisi wedu Mukuru, Jehovha.—Isa. 30:20.
4 Zvisarudzo Zvatinoita: Kutenda kwakasimba muzvinhu zvisingaoneki kunoita kuti tiise zvinhu zvomudzimu pakutanga muupenyu hwedu. (VaH. 11:1) Izvi zvinowanzosanganisira kurega zvimwe zvinhu zvokunyama. Somuenzaniso, mumwe mukuru akaramba kupiwa chinzvimbo chine mari yakawanda pabasa nokuti chaizoita kuti asapinda misangano, ave kure nemhuri yake, uye arege ushumiri hwake hwokupayona. Isuwo ngatiise chivimbo chedu chakazara muchipikirwa cheBhaibheri chokuti Jehovha achagovera vaya ‘vanoramba vachitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.’—Mat. 6:33.
5 Kukurudzira kwakasimba kunoitwa nokutenda muupenyu hwedu kunocherechedzwa nevamwe. Chokwadi, kutenda kwedu kunozivikanwa pasi pose. (VaR. 1:8) Naizvozvo, tose zvedu ngatiratidze nemabasa edu akanaka kuti kutenda kwedu kupenyu.—Jak. 2:26.