RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/02 p. 1
  • Kuparidza Umambo Kunoponesa Upenyu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza Umambo Kunoponesa Upenyu!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 4/02 p. 1

Kuparidza Umambo Kunoponesa Upenyu!

1 Ndiro basa rinokosha zvikuru riri kuitwa munyika panguva ino. Jehovha Mwari, Jesu Kristu, uye makumi ezviuru zvengirozi vanoisa pfungwa dzavo pariri. Ibasa ripi, uye nei richikosha? Nderokuparidza Umambo, uye rinoponesa upenyu!—VaR. 1:16; 10:13, 14.

2 Vamwe vanhu vangafunga kuti tingaita zviri nani kubatsira vamwe kana tikabatanidzwa mukuedza kuvandudza nyika yakatipoteredza. Vakawanda vanoedza nomwoyo wose kuwana rugare, kurapa hosha, kana kuti kuvandudza upfumi. Asi chii chichabatsira vanhu zvikuru?

3 Basa Rinokosha Zvikuru: Mashoko oUmambo chete ndiwo anotsanangura chinangwa choupenyu, chikonzero chokutambura kwevanhu, uye tariro bedzi yakavimbika nokuda kwenguva yemberi. Mashoko akanaka anoita kuti vanhu vakwanise kuva shamwari dzaJehovha vobva vawana “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” (VaF. 4:7) Mashoko oUmambo chete ndiwo anopa nhungamiro inoshanda yokubatsira vanhu kuti vabate nezvinetso zvoupenyu iye zvino uye anotsanangura kuchengetedzwa kwavangaitwa vari vapenyu panoparadzwa nyika yakaipa munguva yemberi. (1 Joh. 2:17) Izvi hazvidi kuti tiedze nepatinogona napo kuparidza Umambo here?

4 Kuenzanisira: Ndeipi ingava nzira yakanakisisa yokubatsira vanhu vakarara mumusha uri zasi kwedhamu rava kuda kuondomoka? Kukupa mvura iri mudhamu racho risisina kusimba here? Kunatsiridza musha wacho wava kuda kuparara here? Aiwa! Vagari vomumusha wacho vanofanira kumutswa, vonyeverwa nezvenjodzi yava kusvika, vobva vabatsirwa kutiza! Nhasi vaya vakarara mumudzimu vari mungozi yakakomba zvikuru. (Ruka 21:34-36) Sezvo nyika ino ichapfuura munguva pfupi iri kutevera, ngatiedzei kuparidzira vose vatinokwanisa nokukurumidza zvikuru!—2 Tim. 4:2; 2 Pet. 3:11, 12.

5 Ramba Uchiriita: Ngatitsvakei nzira dzokusvika nemashoko akanaka kunyange kune vanhu vepachokwadi zvikuru—pamisha yavo, pamigwagwa, parunhare, uye nenzira dzisina kurongwa. Basa ratakapiwa naJehovha kuti tiite ndiro rinokosha zvikuru ratingagona kuita. Kana tikariita nokushingaira, ‘tichazviponesa isu nevanotiteerera.’—1 Tim. 4:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe