Svika Pamwoyo Pomudzidzi Wako
1 Asati akwira kudenga, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vadzidzise vamwe “kuchengeta” zvinhu zvose zvaakanga arayira. (Mat. 28:19, 20) Kana munhu achizo“chengeta” mirayiro yaKristu, mashoko acho anofanira kusvika pamwoyo pake. (Pis. 119:112) Ungasvika sei pamwoyo pomumwe munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri?
2 Nyengeterera Nhungamiro yaJehovha: Kuita vadzidzi ibasa raMwari. Chikomborero chake ndicho chinodiwa kuti tibudirire, kwete unyanzvi hwedu. (Mab. 16:14; 1 VaK. 3:7) Saka kunyengeterera kubatsirwa naJehovha kuti tidzidzise vamwe chokwadi kunokosha.—Isa. 50:4.
3 Nzwisisa Zvinotendwa Nomudzidzi: Kuziva zvinotendwa nevanhu uye kuti nei vachizvitenda kungaita kuti tinzwisise zvatingataura kuti tisvike pamwoyo yavo. Nei mudzidzi achiona dzidziso yakati ichifadza? Chii chakamuita kuti abvume kuti ndeyechokwadi? Zivo yakadaro ingatibatsira kuti titaure nenzwisiso.—Mab. 17:22, 23.
4 Kurukura Magwaro Zvinotevedza uye Zvinonzwisisika: Chokwadi chinofanira kunzwisisika kumudzidzi. (Mab. 17:24-31) Tinofanira kupa chikonzero chakanaka chetariro yedu. (1 Pet. 3:15) Zvisinei, nguva dzose ita kudaro nenzira yomutsa, yokushivirira.
5 Isimbise Nemienzaniso: Mienzaniso haingoiti kuti zviitire mudzidzi nyore kunzwisisa asi inokuchidzira mafungiro. Inobata zvose pfungwa nomwoyo. Jesu akaishandisa kakawanda. (Mako 4:33, 34) Chokwadi, kuti ubudirire, muenzaniso unoshandiswa unofanira kukodzera pfungwa iri kukurukurwa, uye unofanira kuva nechokuita noupenyu hwomudzidzi wacho.
6 Ratidza Zvakanakira Kubvuma Chokwadi: Vanhu vanoda kuziva zvakanakira kushandisa zvavari kudzidza. Batsira mudzidzi wako kuona uchenjeri hwemashoko aPauro ari pana 2 Timoti 3:14-17.
7 Usaora mwoyo kana vamwe vasingabvumi zvaunodzidzisa. Haisi mwoyo yose inogamuchira. (Mat. 13:15) Zvisinei, vamwe vanhu vanova vatendi. (Mab. 17:32-34) Kushingairira kwaunoita kusvika pamwoyo nemashoko akanaka ngakubatsire vakawanda kugamuchira uye “kuchengeta” zvakarayirwa naJesu.