Kupupura Ku“vanhu Vose”
1 Apo tinosangana navanhu vetsika dzakasiyana-siyana kana kuti mamiriro ezvinhu ekare orudzidziso, tinoyeuka kuti kuda kwaJehovha “kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Tim. 2:4) Mukuwedzera kumaturakiti akati namabhurocha akagadzirirwa chinangwa chaicho, tine zvinyorwa zviviri zvakaisvonaka zvinogona kushandiswa panguva ipi neipi kubetsera vanhu vane rudzidziso rusina kuvadzidzisa chokwadi pamusoro paMwari naKristu.
2 Bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu rinopa nzwisiso mumavambo amarudzidziso makuru enyika uye rinogona nenzira iyoyo kuva rinobetsera vanhu kwose kwose kuenzanisa pakati porudaviro rwavo neizvo Bhaibheri rinodzidzisa nezvaMwari wechokwadi bedzi. Kune rumwe rutivi, kupfurikidza nokusimbisa upenyu hwaJesu Kristu, bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama rinogona kubetsera munhu kurovedzana zviri nane nomwanakomana waMwari ndokukweverwa kwaari, sezvakaitwa vanhu vakawanda muzana rokutanga ramakore. (Joh. 12:32) Panguva yose pakunobvira, ungashuva kuedza zvikarakadzo zvinotevera zvokusuma mabhuku aya.
3 Kana uchifunga kuti zvingava zvakanaka kugovera bhuku ra“Munhu Mukurusa” kune mumwe munhu, ungabvunza kuti:
◼ “Chii chamunorangarira pamunofunga nezvaJesu Kristu? [Bvumirai mhinduro.] Vezvenhau vakawanda vanobvuma Jesu somunhu mukurusa ati amborarama. [Nokorai muenzaniso musumo iri mubhuku raMunhu Mukurusa.] Bhaibheri rinoratidza kuti upenyu hwaJesu hwakanga huri muenzaniso wokuti titevedzere.” Ravai 1 Petro 2:21 nendima yokutanga iri papeji yokupedzisira yesumo iri mubhuku raMunhu Mukurusa ipapo goverai bhuku racho. Musati maenda, ravai Johane 17:3 uye bvunzai kuti, “Tinogona sei kupinza iyi zivo inotungamira kuupenyu husingagumi?” Itai gadziriro chaidzo dzokudzoka nemhinduro.
4 Pamunodzoka kuzotsanangura nzira yokupinza nayo zivo inopa upenyu, mungagona kuti:
◼ “Ndakavimbisa kudzoka kuzokuratidzai nzira yamunogona kupinza nayo zivo inotungamira kuupenyu husingagumi.” Goverai bhuku raZivo, uye muchishandisa ganhuro rokutanga, enzanisirai fundo.
5 Kana muchishuva kugovera bhuku ra“Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu,” mungagona kubvunza kuti:
◼ “Namarudzidziso akasiyana-siyana akawanda zvikuru nhasi, mati mamboshamisika here kuti tingaziva sei kuti ndorwupi runotenderwa naMwari?” Pashure pemhinduro, vhurai bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu papeji 377. Simbisai pfundo nhamba 7, uye bvunzai kana saimba achibvuma kuti rudzidziso rwechokwadi runofanira kubatanidza madzinza ose orudzi rwomunhu. Tarirai rumwe rwamagwaro akarongwa, uye kana nguva ichibvumira, kurukurai mimwe yemifungo iri parudungwe rwacho. Ipapo goverai bhuku racho pamupiro wenguva dzose. Pakusimuka, mungabvunza kuti, “Rudzidziso rwechokwadi runofanira kutapura sei mufambiro womunhu?” Rongai shanyo yedzokerero kuti mupindure mubvunzo wacho.
6 Pamunodzoka kuzotsanangura nzira iyo rudzidziso rwechokwadi runotapura nayo upenyu hwomunhu, mungabvunza kuti:
◼ “Munofunga kuti rudzidziso runofanira kutapura sei mufambiro wavanhu? [Bvumirai mhinduro.] Kristu akatipa mupimo wokuyera nawo rudzidziso.” Ravai Mateo 7:17-20 zvakananga papeji 12 mubhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu. Ipapo kumbirai saimba kurava ndima 20 iri pamapeji 12-13. Kana nguva ichibvumira, kurukurai ndima 25-9 dziri pamapeji 15-18. Izvi zvingatungamira kufundo zvimwe mubhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo.
7 Zvokutanga Nazvo Kurukurirano: Kune yamuro dzokudzidzisa dzakawanda dziri mubhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, dzingashandiswa sezvokutanga nazvo kurukurirano pashanyo yokutanga kana kuti pashanyo yedzokerero. Munogona kutanga kurukurirano kupfurikidza nokungobvunza mubvunzo wakakodzera. Somuenzaniso, cherekedzai mibvunzo iyi nemisoro namapeji apo zvinokurukurwa:
“Mibvunzo Inoda Mhinduro”—mapeji 17-18.
“Jesu Akanga Ari Ngano Here?”—peji 237.
“Ndiani Akanyora Bhaibheri?”—peji 241.
“Qur’an neBhaibheri”—peji 285.
“Ufakazi Hwouchokwadi hweBhaibheri”—mapeji 340-1.
“Izvo Zvapupu zvaJehovha Zvinodavira”—mapeji 356-7
“Nzira Yokuziva Nayo Rudzidziso Rwechokwadi”—peji 377)
8 Munogona kutendeukira kupeji kana kuti mapeji akasarudzwa mubhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu ndokutsanangura mufungo uri kukurukurwa. Ipapo gadzirira shanyo yedzokerero kupfurikidza nokubvunza mubvunzo une chokuita nezvamafunda unogona kupindurwa zvimwe nebhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo. Ivai nechokwadi chokukoka saimba wacho kuMusangano Wavose uye siyai hendibhiri.
9 Marudzi ose avanhu vane mwoyo yakatendeseka ari kutsvaka chokwadi pamusoro paMwari naKristu. Tinogona kuvabetsera mubasa redu rokupupura. Nokudaro, ipapoka, ngatipfuurirei ku“shandira nesimba nokubishairira, nokuti takaisa tariro yedu pana Mwari mupenyu, uyo ari muponesi wevanhu vose.”—1 Tim. 4:10, NW.