Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvino zvatava nebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, fundo yeBhaibheri yepamusha inofanira kuitiswa kwenguva yakareba sei?
Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1993 hwakarumbidza kuti fundo yeBhaibheri yapamusha iitiswe vachangobva kufarira kusvikira mabhuku maviri afundwa. Zvino zvatava nebhuku raZivo, kunoratidzika kuva kwakanaka kuita gadziridzo muuyu muitiro, sezvakarongwa pamapeji 13 ne14 echinyorwa chaJanuary 15, 1996, cheNharireyomurindi.
Bhuku raZivo rakagadzirirwa kubetsera avo “vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi” kuti vadzidze zvavanofanira kuziva kuti vaite tsauriro kuna Jehovha ndokubhapatidzwa. (Mabasa 13:48, NW) Naizvozvo, pashure pokupedza ichi chinyorwa chitsva, hakufaniri kuva kuri madikanwa kufunda bhuku rechipiri nomudzidzi mumwe cheteyo. Sezvo vadzidzi vako veBhaibheri vanovamba kugamuchira zvokwadi, iwe unogona kuvakurudzira nenzira inofambira mberi kukwanisa zivo yavo kupfurikidza nokupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha uyewo kupfurikidza nokurava Bhaibheri nezvinyorwa zvakasiyana-siyana zvechiKristu.
Kana wakasanorovedzana nemibvunzo iri pamapeji 175 kusvikira ku218 ebhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, ikoku kungava kunobetsera. Kunyange zvazvo usingafaniri kunongedzera kuiyi mibvunzo kana kuti kuihwirudzura nomudzidzi weBhaibheri, kungava kwakanaka kusimbisa mapfundo ari mubhuku raZivo ayo achagonesa mudzidzi kutaura nzwisiso yakarurama yezvokwadi dzeBhaibheri dzehwaro apo vakuru vanohwirudzura mibvunzo nevanoda kubhapatidzwa.
Hapana dikanwo yokuwedzera mashoko ari mubhuku raZivo, tichipinza mashoko okunze kana kuti zvibvumikiso zvokuwedzera kuti zvitsigire dzidziso dzeBhaibheri kana kuti kubvumikisa dzidziso dzenhema kuva nhema. Ikoku kwaizobatira bedzi kutambanudza fundo yacho kwenhambo refu zvikuru yenguva. Panzvimbo pezvo, kunokarirwa kuti bhuku racho rinogona kuti kurumidzei kufukidzwa, zvichida mumwedzi inenge mitanhatu. Ikoku kunosimbisa kudikanwa kwokuti tifunde mashoko acho zvakakwana pachine nguva mberi kuti tigogona kuapa nenzira yakajeka uye nenzira yakananga. Mudzidzi anofanira kukurudzirwawo kufunda pachine nguva mberi, kutarira magwaro akanongedzerwa, uye kuedza kunzwisisa nenzira yakajeka izvo bhuku riri kudzidzisa muganhuro rimwe nerimwe.
Nharireyomurindi yakasimbisa kudikanwa kwokuti Zvapupu zvaJehovha zviitise nhamba huru zvikuru yefundo dzeBhaibheri dzinobudirira munhambo pfupi zvikuru yenguva. (Ona Isaya 60:22.) Kushandiswa kunobudirira kwebhuku raZivo kunogona kubetsera vatsva kuwana zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi ndokuita mutsinhirano nayo.—Joh. 17:3.