‘Pfuurira Kuwedzera Muzivo Yakarurama’
Zivo yakarurama yaMwari inotungamirira kuupenyu husingaperi. (Joh. 17:3) Tinofanira kuva tichiita zvose zvatinogona kuti tiwedzere muzivo yakarurama pamusoro paJehovha. (VaK. 1:9, 10) Kutanga pana April 29, tichafunda bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi paFundo Yebhuku Yeungano. Kunzwisisa kwedu Shoko raMwari hakusati kuchizowedzerwa bedzi asi tichavawo vakashongedzerwa zviri nani kuridzidzisa vamwe. Iwe nemhuri yako muchakomborerwa kana mukagadzirira pachine nguva mberi, kupinda nokutora rutivi vhiki imwe neimwe, uye kushandisa mashoko iwayo.