RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/94 p. 8
  • Govera Magazini Akanakisisa Munyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Govera Magazini Akanakisisa Munyika
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Tsvaka Avo Vane Ndangariro Yakarurama
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Akakodzera Nguva Ezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 4/94 p. 8

Govera Magazini Akanakisisa Munyika

1 Donzo rinotaurwa reNharireyomurindi nderoku“rumbidza Jehovha Mwari saChangamire Ishe wechisiko chapose pose.” Mukai! ndewo“kuvhenekerwa kwemhuri yose. . . . Iyi magazini inovaka chivimbo muchipikirwa chomusiki chenyika itsva ine rugare neyakachengeteka.” Aya mashoko anokorwa anobva mumagazini acho amene. Kurondwa kwenharidzano idzodzi kwakaaita manyuko enyaradzo kumamirioni avaravi.

2 Tichave tichisimbisa aya magazini muushumiri hwedu mukati maApril naMay. Kuti tive vanobudirira, tinofanira kuva vakasanorovedzana nezviri mukati mawo. Rava chinyorwa chimwe nechimwe, uchicherekedza mapfundo aungakwanisa kushandisa pakuagovera. Funga pamusoro pezvinonetsa vanhu. Inhaui dzomunzanga, dzomumhuri, kana kuti dzomumirangariro dzinodzora kufunga kwavakawanda zvikurusa vavavakidzani vako? Edza kufunga nezvechimwe chinhu chaunogona kutaura chichaorora mwoyo yavo ndokunyandura chishuvo chokudzidza zvakawanda.

3 Kusimbisa Nharireyomurindi yaApril 1: Vanhu vakawanda zvikurusa vanoshuva nyika iri nani, iyo isina zvinetso zvakawanda izvo zvinovabira zvino kazhinji kazhinji zvikuru mufaro wavo.

Pashure pokuzvisuma umene, ungati:

◼ “Ndingada kukuratidzai tsinhiro inofadza inoitwa munyaya ino ine musoro unoti ‘Nyika Iri Nani—Chiroto Chete Here?’ Inoti: ‘Nyika ino, nyika yedu, zvamazvirokwazvo haisati iri nzvimbo yakanaka. . . . Ndaza yenhamo dzazvino uno inoratidzika kuva isingagumi.’ Uyu mugariro unoita kuti kuve kwakaoma kuva netariro pamusoro penguva yemberi, haudaro here? Regai ndikuratidzei, zvisinei, izvo Pisarema 37:11 rinotaura pamusoro penguva yemberi.” Pashure pokurava ndima yacho, bvunza saimba kuti anonzwa sei pamusoro peichi chipikirwa. Kana akapindura zvakanaka, tendeukira kunyaya inoti “Nyika Iri Nani—Yava Pedyo!,” peji 4, ndokuti: “Chiverengero chakati chaMagwaro chinodudzwa, kubatanidza urwo tichangobva kurava muPisarema 37:11. Ndinodavira kuti mungafarikanya kurava idzi nyaya nokutarira nongedzero dzacho muBhaibheri renyu. Magazini ino inogona kuva yenyu nokuda kwomupiro we$1,40 chete.”

4 Kusimbisa Nharireyomurindi yaApril 15: Nyaya iri papeji 4 inobvunza, kuti: “Ndokupi Kwaunogona Kuwana Nhungamiro Yakavimbika?”

Pashure pokuzvisuma umene, ungagona kuti:

◼ “Kune zvinetso zvakawanda kwazvo munyika nhasi, zvakadai se [dudza chimwe chinhu chiri kunetsa nzanga pari zvino kana kuti musoro wenhau]. Kunoita kuti tishamisike kana munhu upi noupi achigona kumbowana nzira yokubuda nayo muzvinetso izvozvi. Nomufaro, 2 Timotio 3:16, 17 inotivimbisa kuti Bhaibheri inhungamiro kumararamire anofadza neakachengeteka.” Pashure pokurava idzi ndima, ratidza kuti Nharireyomurindi inotibetsera sei kunzwisisa chikonzero nei Bhaibheri riri nhungamiro yakavimbika.

5 Kana uchida hako kusimbisa Mukai!, ungashandisa chinyorwa chaMay 8 nenyaya inoti “Tariro Chaiyoiyo nokuda Kwavana.” Sezvingabvira uchawana kuti vabereki vanoororwa nezvinodikanwa zvavana uye vanoda kuziva chinogona kuitwa kuvabetsera.

6 Kana tine mbavarira pamusoro pamagazini edu, akanakisisa munyika, tichadisa kuagovera kuvamwe kuti ivowo vagogona kugamuchira tariro yoUmambo ndokugoverana mukukudziridza Jehovha saChangamire Ishe wechisiko chose.—Pis. 83:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe