NYAYA YEKUDZIDZA 25
Vimba naJehovha Paunenge Uchishungurudzika
‘Ndiri kushungurudzika.’—1 SAM. 1:15.
RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu
ZVICHADZIDZWAa
1. Nei tichifanira kuteerera yambiro yaJesu?
JESU paaiprofita nezvemazuva ekupedzisira akati: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa . . . nekuzvidya mwoyo nezvinhu zveupenyu,” kureva kuzvidya mwoyo nekutsvaga zvekurarama nazvo. (Ruka 21:34) Tinofanira kuteerera yambiro iyoyo. Nei tichifanira kudaro? Iye zvino tinosangana nematambudziko anorwadza ari kusangana nevamwe vanhu vese.
2. Matambudziko api anoshungurudza anosangana nehama nehanzvadzi dzedu?
2 Dzimwe nguva tinowirwa nematambudziko akawanda anoshungurudza panguva imwe chete. Funga nezvemienzaniso inotevera. Imwe hama inonzi Johnb ine chirwere chakaipa chaizvo chinonzi multiple sclerosis. John akarwadziwa chaizvo paakasiyiwa nemudzimai wake waainge akaroorana naye kwemakore 19, uye vanasikana vake vaviri vakabva varegawo kushumira Jehovha. Mumwe murume nemudzimai vanonzi Bob naLinda vakasanganawo nematambudziko akasiyana neaJohn. Vakapererwa nemabasa avo uye vakanga vasingachakwanisi kuramba vachigara pamba pavaigara. Linda akabva abatwa chirwere chemwoyo chaigona kumuuraya, uyewo chirwere chearthritis.
3. Maererano naVaFiripi 4:6, 7, chii chatinogona kuva nechokwadi nacho?
3 Tinogona kuva nechokwadi chekuti Musiki wedu uye Baba vedu vane rudo, Jehovha, anonzwisisa manzwiro edu patinenge tichishungurudzika. Uye anoda kutibatsira patinenge tichinetseka. (Verenga VaFiripi 4:6, 7.) Shoko raMwari rine nyaya dzakawanda dzinotaura nezvematambudziko akatsungirirwa nevashumiri vake. Rinotaurawo kuti Jehovha akavabatsira sei pavaiva mumatambudziko akadaro anoshungurudza. Ngatikurukurei nezvevamwe vacho.
ERIYA “AIVA NEMANZWIRO AKAFANANA NEEDU”
4. Eriya akasangana nematambudziko api, uye Jehovha akamubatsira sei?
4 Eriya akashumira Jehovha panguva yakaoma chaizvo uye akasangana nematambudziko makuru. Mambo Ahabhi, uyo aiva mumwe wemadzimambo eIsraeri akanga asina kutendeka, akaroora Jezebheri, munamati akaipa waBhaari. Vaviri ava vakaita kuti vanhu vakawanda vanamate Bhaari munyika yacho uye vakauraya vaprofita vaJehovha vakawanda. Eriya akakwanisa kutiza. Akaponawo panzara huru yakaitika nekuti aivimba naJehovha. (1 Madz. 17:2-4, 14-16) Eriya akavimba zvakare naJehovha paakaratidza vaprofita nevanamati vaBhaari kuti mwari wavo aiva wenhema. Akakurudzira vaIsraeri kuti vashumire Jehovha. (1 Madz. 18:21-24, 36-38) Eriya akanyatsozvionera kuti Jehovha aiva naye panguva idzodzo dzaishungurudza.
Jehovha akatuma ngirozi kuti ibatsire Eriya kuti awanezve simba (Ona ndima 5-6)c
5-6. Eriya akanzwa sei sezvinoratidzwa pana 1 Madzimambo 19:1-4, uye Jehovha akaratidza sei kuti aimuda?
5 Verenga 1 Madzimambo 19:1-4. Eriya akatanga kutya paakaziva kuti Mambokadzi Jezebheri aida kumuuraya. Saka akatizira kuBheeri-shebha. Akaora mwoyo chaizvo zvekuti ‘akakumbira kuti afe.’ Chii chakaita kuti anzwe saizvozvo? Eriya aiva munhu ane chivi, “munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.” (Jak. 5:17) Zvimwe akashungurudzika chaizvo uye akanzwa asisina kana simba. Anogona kunge akafunga kuti zvese zvaakanga aita pakutsigira kunamata kwakachena kwaiva kushandira pasina. Zvimwe akafungawo kuti muIsraeri maisava nechainge chavandudzika, uye ndiye ega ainge achiri kushumira Jehovha. (1 Madz. 18:3, 4, 13; 19:10, 14) Tinogona kushamiswa nemanzwiro akava nemuprofita uyu ainge akatendeka. Asi Jehovha akanzwisisa manzwiro aEriya.
6 Eriya paakataura manzwiro aaiita, Jehovha haana kumutuka. Asi akamubatsira kuti avezve nesimba. (1 Madz. 19:5-7) Jehovha akazomubatsira kuti achinje mafungiro ake nekumuratidza simba rake rinoshamisa. Jehovha akabva amuudza kuti muIsraeri makanga muchiine vanhu 7 000 vakaramba kunamata Bhaari. (1 Madz. 19:11-18) Izvi zvakabatsira Eriya kuona kuti Jehovha anomuda.
KUBATSIRWA KWATICHAITWA NAJEHOVHA
7. Kubatsirwa kwakaitwa Eriya naJehovha kunoita kuti tive nechivimbo chei?
7 Une zviri kukushungurudza here? Kuziva kuti Jehovha akanzwisisa manzwiro aiita Eriya kunotinyaradza chaizvo! Kunoita kuti tive nechivimbo chekuti anotinzwisisa patinenge tichinetseka. Anoziva zvatinogona nezvatisingagoni, uye anozivawo zvatiri kufunga uye manzwiro edu. (Pis. 103:14; 139:3, 4) Kana tikavimba naJehovha sezvakaitwa naEriya, achatibatsira pamatambudziko anotishungurudza.—Pis. 55:22.
8. Jehovha anokubatsira sei paunenge uchishungurudzika?
8 Kushungurudzika kunogona kuita kuti uone sekuti zvinhu hazvisi kuzombochinja, zvoita kuti uore mwoyo. Kana izvozvo zvikaitika, yeuka kuti Jehovha achakubatsira. Achakubatsira sei? Anokukumbira kuti umuudze zviri kukunetsa, uye achapindura zvichemo zvako. (Pis. 5:3; 1 Pet. 5:7) Saka nyengetera kuna Jehovha kakawanda uchimuudza matambudziko ako. Haazotauri newe zvakananga sezvaakaita kuna Eriya, asi achataura newe achishandisa Shoko rake Bhaibheri uye sangano rake. Nyaya dzaunoverenga muBhaibheri dzinogona kukunyaradza uye kukupa tariro. Uyewo hama nehanzvadzi dzako dzinogona kukukurudzira.—VaR. 15:4; VaH. 10:24, 25.
9. Shamwari yatinovimba yavo inogona kutibatsira sei?
9 Jehovha paakaudza Eriya kuti apewo Erisha rimwe basa raaiita, akaita kuti Eriya ave neshamwari yaizomubatsira paainzwa akaora mwoyo chaizvo. Patinoudzawo shamwari yatinovimba nayo zviri kutsi kwemwoyo, inogona kutibatsira kuti tisanyanye kunetseka. (2 Madz. 2:2; Zvir. 17:17) Kana uchinzwa sekuti hauna kana munhu wekuudzawo zviri kukudya mwoyo, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuwana muKristu akasimba pakunamata anogona kukukurudzira.
10. Zvakaitika kuna Eriya zvinotipa sei tariro, uye vimbiso iri pana Isaya 40:28, 29 inotibatsira sei?
10 Jehovha akabatsira Eriya kuti asarambe achishungurudzika uye kuti amushumire akatendeka kwemakore akawanda. Zvakaitika kuna Eriya zvinotipa tariro. Dzimwe nguva tinogona kushungurudzika zvakanyanya zvekuti tinopera simba. Asi kana tikavimba naJehovha, achatipa simba ratinoda kuti tirambe tichimushumira.—Verenga Isaya 40:28, 29.
HANA, DHAVHIDHI, NEMUNYORI WEPISAREMA VAKAVIMBA NAJEHOVHA
11-13. Vamwe vashumiri vaJehovha vatatu vekare vakashungurudzika sei?
11 Pane vamwewo vanhu vemuBhaibheri vakashungurudzika zvakanyanya. Semuenzaniso, Hana akatsungirira dambudziko rekusava nemwana uye rekutsvinyirwa nemukadzinyina wake. (1 Sam. 1:2, 6) Hana akashungurudzika zvakanyanya zvekuti akasvika pakuchema uye kutadza kudya.—1 Sam. 1:7, 10.
12 Dzimwe nguva Mambo Dhavhidhi aishungurudzika zvakanyanya. Funga nezvematambudziko aakasangana nawo. Ainetseka chaizvo nemhaka yezvinhu zvakawanda zvaakakanganisa. (Pis. 40:12) Mwanakomana wake waaida chaizvo Absaromu akamupandukira, zvikazoguma nekufa kwaAbsaromu. (2 Sam. 15:13, 14; 18:33) Uye imwe shamwari yaDhavhidhi yepedyo chaizvo yakamupandukira. (2 Sam. 16:23-17:2; Pis. 55:12-14) Mapisarema akawanda akanyorwa naDhavhidhi anoratidza manzwiro ake paainge akaora mwoyo uye kunyatsovimba kwaiita naJehovha.—Pis. 38:5-10; 94:17-19.
Munyori wepisarema akabatsirwa nei kuti atangezve kushumira Jehovha achifara? (Ona ndima 13-15)d
13 Mumwe munyori wepisarema akatanga kuchiva mararamiro aiita vanhu vakaipa. Zvimwe angangodaro aiva muzukuru waAsafi wedzinza raRevhi, uye akashumira “munzvimbo tsvene yaMwari.” Munyori wepisarema uyu akashungurudzika chaizvo zvikaita kuti asafare uye asagutsikane muupenyu. Akatosvika pakusagutsikana nemakomborero anobva pakushumira Mwari.—Pis. 73:2-5, 7, 12-14, 16, 17, 21.
14-15. Tinodzidzei pavanhu vatatu vemuBhaibheri panyaya yekuvimba naJehovha kuti atibatsire?
14 Vashumiri vatatu vaJehovha vachangobva kutaurwa vaivimba naye kuti avabatsire. Vainyengetera nemwoyo wese vachimuudza zvaivadya mwoyo. Vaimuudza vakasununguka zvinhu zvaivashungurudza. Uye vairamba vachienda kunzvimbo yaJehovha yekunamatira.—1 Sam. 1:9, 10; Pis. 55:22; 73:17; 122:1.
15 Jehovha akavanzwira tsitsi uye akabatsira mumwe nemumwe wavo. Hana haana kuzoramba achinetseka. (1 Sam. 1:18) Dhavhidhi akanyora kuti: “Matambudziko emunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ese.” (Pis. 34:19) Munyori wepisarema akazonzwa sekuti Jehovha ‘akabata ruoko rwake rwerudyi,’ achimutungamirira nezano rake. Akaimba kuti: “Kana ndiri ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira. Ndakaita kuti Changamire Ishe Jehovha ave nzvimbo yangu yekupotera.” (Pis. 73:23, 24, 28) Tinodzidzei pavanhu ava? Tinogona kusangana nematambudziko akawanda anotishungurudza. Asi tinokwanisa kuatsungirira kana tikafungisisa kuti Jehovha akabatsira sei vamwe, tikagara tichinyengetera kwaari, uye tikamuteerera nekuita zvese zvaanotiudza.—Pis. 143:1, 4-8.
VIMBA NAJEHOVHA UKWANISE KUTSUNGIRIRA
Pakutanga imwe hanzvadzi yaizviparadzanisa nevamwe, asi zvinhu zvakazonaka payakatsvaga nzira dzekubatsira nadzo vamwe (Ona ndima 16-17)
16-17. (a) Nei tisingafaniri kuzviparadzanisa naJehovha nevanhu vake? (b) Tingawanazve sei simba?
16 Vanhu vatatu ivavo vanotidzidzisa chimwe chidzidzo chinokosha chekuti hatifaniri kuzviparadzanisa naJehovha nevanhu vake. (Zvir. 18:1) Nancy, uyo akashungurudzika chaizvo paakasiyiwa nemurume wake anoti: “Pane mazuva akawanda andainge ndisingadi kuona munhu kana kutaura naye. Asi pandaiwedzera kuzviparadzanisa nevamwe ndipo pandaitowedzera kunetseka.” Zvinhu zvakazochinja Nancy paakatanga kutsvaga mikana yekubatsira vamwe vanhu vaiva nematambudziko. Anoti: “Ndaiteerera vamwe pavaitaura zvaivatambudza. Ndakaona kuti pandaiwedzera kuvanzwira tsitsi, ndaiwedzerawo kusazvinzwira tsitsi.”
17 Tinogona kuwanazve simba kana tikapinda misangano yeungano. Patinenge tiri pamisangano, tinopa Jehovha mimwe mikana ‘yekutibatsira uye kutinyaradza.’ (Pis. 86:17) Pamisangano iyoyo anotisimbisa achishandisa mweya wake mutsvene, Shoko rake, uye vanhu vake. Misangano inotipa mukana wekuti “tikurudzirane.” (VaR. 1:11, 12) Hanzvadzi inonzi Sophia yakati: “Jehovha nevanhu vake vakandibatsira kuti nditsungirire. Misangano yedu yeungano ndiyo yainyanya kukosha kwandiri. Ndakaona kuti pandinowedzera kushanda nesimba muushumiri uye kupinda misangano, handinyanyi kushungurudzika.”
18. Jehovha anotipei patinenge takaora mwoyo?
18 Patinenge takaora mwoyo, ngatiyeukei kuti Jehovha anovimbisa kuti achabvisa zvachose zvese zvinoita kuti tishungurudzike uye kuti parizvino anotibatsira kuti tisanyanye kunetseka. Anotipa ‘chido nesimba’ zvinotibatsira kuti tisanyanye kuora mwoyo uye tisarasa tariro.—VaF. 2:13.
19. Tinovimbiswei pana VaRoma 8:37-39?
19 Verenga VaRoma 8:37-39. Muapostora Pauro anotivimbisa kuti hapana chinogona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari. Tingabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu dziri kushungurudzika? Nyaya inotevera ichakurukura kuti tingatevedzera sei Jehovha pakunzwira tsitsi uye pakutsigira hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dzichishungurudzika.
RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara
a Kushungurudzika zvakanyanya kunogona kukanganisa utano hwedu uye pfungwa dzedu. Jehovha anotibatsira sei? Tichaona kubatsirwa kwakaitwa Eriya naJehovha paaishungurudzika. Tichadzidzawo kune vamwe vanotaurwa muBhaibheri kuti tingaitei kuti tibatsirwe naJehovha patinenge tichishungurudzika.
b Mazita ari munyaya ino akachinjwa.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Ngirozi yaJehovha inomutsa Eriya zvinyoro-nyoro, yomupa chingwa nemvura.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Munyori wepisarema uyo angangodaro aiva muzukuru waAsafi ari kunakidzwa nekunyora uye kuimba mapisarema nevamwe vaRevhi.